Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Nezvebonde?

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Nezvebonde?

Zvaunogona kuita

Sarudza zvakanaka vanhu vokutamba navo. Kana shamwari dzako nevaunodzidza navo vakatanga kutaura nyaya dzebonde, iwe ukapindira munyaya dzavo zvichakuomera kuti pfungwa dzako dzibve panyaya dzebonde. Kazhinji, unogona kutsvaka nzira yokuti musaramba muchitaura nezvazvo asi uchizviita nenzira yokuti vamwe havazokuoni semutsvene votanga kukushora.

Ungada here kuti kombiyuta yako irohwe nevirus? Kana usingadi sei uchifanira kupinza zvinhu zvounzenza mupfungwa dzako?

Usazvivaraidza nezvinhu zvakafumuka. Zvinhu zvakawanda zvinovaraidza zviri kugadzirwa mazuva ano zvinoita kuti munhu ade bonde zvisina mwero. Bhaibheri rinoti chii? “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Tambira kure nevaraidzo inoita kuti ude zvebonde.

Yeuka izvi: Hazvina kuipa kuti munhu anzwe achida kurara nemumwe munhu. Mwari ndiye akasika murume nemukadzi kuti vanzwe vachidanana zvisingaiti, uye kuti vanhu vanofanira kuita bonde ndevanenge vakaroorana chete. Saka kana ukatanga kuva nechido chakasimba chokurara nemumwe munhu, usafunga kuti uri munhu akaipa kana kuti hauna tsika dzakachena.

Chinhu chinokosha: Unogona kusarudza zvaunoda kuti zvigare mupfungwa dzako. Zviri kwauri kuti usarudze kuva nemafungiro akanaka uye kuva netsika dzakachena!

 

Inzwa zvimwe

VARI KUYARUKA

Mibvunzo Inobvunza Vechiduku, Bhuku 1

Dzimwe dzenyaya dzinotaurwa mubhuku iri ndedzekunwa doro uye kushandisa madhiragi, kuzvibata panyaya dzebonde, kupfimbana uye kudanana.