Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

VECHIDUKU VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndinyatsorara?

Ndingaita Sei Kuti Ndinyatsorara?

Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Kana ukasarara zvakanaka hauzokwanisi kushanda zvakanaka kana kufunga zvakanaka!

“Kana ndisina kurara zvakanaka pfungwa dzangu dzinenge dzisina kugadzikana. Ndinenge ndichitadza kuisa pfungwa dzangu pane zvose zvandinenge ndichiita!”—Rachel, 19.

“Panozokwana 2:00 masikati, ndinenge ndaneta zvokuti ndinogona kubatwa nehope pandinenge ndichitaura nemumwe munhu!”—Kristine, 19.

Unoda here kunyatsorara? Tarisa uone zvakaitwa nevamwe vezera rako.

Usarara nguva dzaenda. Ndinoedza kuenda kunorara pachine nguva,” anodaro musikana ane makore 18 anonzi Catherine.

Siya zvenyaya. Pane dzimwe nguva shamwari dzangu dzinondifonera kana kutumira mameseji pakati pousiku,” anodaro mukomana anonzi Richard, ane makore 21, “asi ndakadzidza kuvataurira kuti ndava kunorara tobva tasiyana nenyaya.

Edza kusachinja-chinja nguva dzokurara uye dzokumuka. Musikana anonzi Jennifer ane makore 20 anoti, “Mazuva ano handisi kuchinja nguva dzokurara uye dzokumuka.

Zvingakubatsira kuti ubudirire: Edza kurara kwemaawa asiri pasi pe8 zuva nezuva.

Kuita zvataurwa izvi kunobatsira pane zvakawanda. Yeuka kuti kuva noutano hwakanaka kuchakubatsira kuti unzwe wakagwinya uye ushande wakachangamuka.

Muupenyu ungatadza kuchinja zvimwe zvinhu, asi utano hwako unogona kuhuchinja. Erin musikana ane makore 19 anoti, “Munhu achaita kuti uve noutano hwakanaka kana kuti husina kutsarukana ndiwe.