Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

VECHIDUKU VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kuona Sei Mitemo Yevabereki Vangu?

Ndinofanira Kuona Sei Mitemo Yevabereki Vangu?

Zvimwe unoziva nezvevamwe vezera rako vanogona kudzoka kumba panguva yavadira, vanopfeka zvavanenge vachida, uye vanoenda neshamwari dzavo chero kwavada. Zvingangodaro zviri kuitika ndezvokuti vabereki vacho vakabatikana zvokuti havasi kuona zviri kuitwa nevana vavo.

Asi Bhaibheri rinoratidza kuti kurera vana nenzira yakadaro hakuna kunaka. (Zvirevo 29:15) Chikonzero chikuru chinoita kuti vanhu vasava nerudo ndechokuti vanhu vanongozvifunga ivo, uye vakawanda vavo vakarerwa mumhuri umo vaingosiyiwa vachiita zvavanoda.2 Timoti 3:1-5.

Panzvimbo pokuchiva zviri kuitwa nevezera rako vanobvumirwa kuita zvavada, edza kuona mitemo yevabereki vako senzira yokukuratidza rudo uye kuva nehanya newe. Kukuudza zvokuita nezvokusaita kwavanoita, kuratidza kuti vari kutevedzera Jehovha Mwari uyo akaudza vanhu vake kuti:

“Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”Pisarema 32:8.