Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

VECHIDUKU VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kuita Sei Kana Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu?

Ndinofanira Kuita Sei Kana Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu?

Kuti zvinhu zvisanyanya kuipa unofanira kuita zvinotevera:

Taura chokwadi. Kana ukasataura chokwadi, vabereki vako havazotombovimbi newe. Saka buda pachena uye taura zvinhu sezvazviri.Zvirevo 28:13.

  • Usapa zvikonzero nechinangwa chokuda kuzviita akarurama kana kurerutsa zvinenge zvaitika.

  • Gara uchiziva kuti “mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.Zvirevo 15:1.

Kumbira ruregerero. Kukumbira ruregerero nemhaka yekurwadzisa kana kuodza mwoyo kwawaita vabereki vako kana kuti kuvawanzira basa kunogona kuita kuti vaderedze chirango chavanga vachifanira kukupa. Asi kukukumbira kwacho ruregerero kunofanira kubva pamwoyo.

Bvuma kukohwa zvaunenge wadyara. Kubvuma kukohwa zvaunenge wadyara chiratidzo chokuti wakura. Chinhu chakanaka chaunenge wangosarirwa nacho kuita zvinhu zvinozoita kuti vabereki vako vatangezve kuvimba newe.Zvirevo 20:11.

Yeuka kuti vabereki vako ndivo vane mutoro wokukupa mitemo. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezve“murayiro wababa vako” uye “mutemo waamai vako.Zvirevo 6:20.

Kana uchida kuti vabereki vako vakuwedzere rusununguko

  • Zviratidze nokugara kwako uchivateerera.

  • Edza kuteerera zvinobva pasi pemwoyo wako usingati zvokuzvimanikidza.