Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Rinopera Here Basa Iri?

Rinopera Here Basa Iri?

Zvaunogona kuita

Tsvaka nzvimbo yauchaverengera. Inofanira kunge iri nzvimbo isina zvinovhiringidza. Shandisa tafura kana ichiwanika. TV ngaidzimwe.

Nguva yakafanana nokumhanya kwebhiza—unofanira kudzidzira kugona kuishandisa

Ita zvinhu zvinokosha pakutanga. Sezvo basa rako rechikoro richikosha, zviudze kuti zvimwe zvinhu uchazozviita kana wapedza kuita basa rechikoro.

Rega kuverengera kuita zvinhu. Iva nepurogiramu yokuti uchaita nguvai basa rako rokuchikoro uye kana nguva yacho yasvika chibva waita.

Ronga zvinhu zvako. Ronga kuti ndezvipi zvauchatanga kuita, uye zvauchazoita pashure pokunge wapedza zvokutanga. Nyora zvinhu zvacho pabepa, uye chimwe nechimwe chipe nguva yaunozofanira kupedza uchichiita. Kanzura zvaunenge wapedza.

Iva nenguva yokuzorora. Kana ukaona kuti pfungwa dzako dzava kumbeya-mbeya, imboti zororei. Asi haikona kuzopedza gore usati wadzokera pabasa rako.

Iva nechivimbo nezvauri. Chaunofanira kuyeuka ndechokuti, musiyano uri pakati pemwana anobudirira neasingabudiriri haisi nyaya yokuti munhu anoziva zvakadini asi kuti anoshanda nesimba zvakadini. (Zvirevo 10:4) Unogona kubudirira muzvidzidzo zvako. Shanda nesimba uye uchaona kuti zvichakufambira zvakanaka.