Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura

Kutaura Nevana Nezvenyaya Yerusarura

 Mwana achiri mudiki chaizvo, anogona kucherechedza kuti vanhu vanoshandisa kusiyana kweruvara rweganda kana rudzi kuti vabate vamwe zvisina kunaka. Mungabatsira sei mwana wenyu kuti asakanganiswa nerusarura rwevamwe? Mungaitei kana akasabatwa zvakanaka nemhaka yeruvara rwake rweganda?

Zviri munyaya ino

 Mungataura sei nevana nezvekusiyana kwakaita vanhu?

 Zvamunogona kutsanangura. Pasi rese kune vanhu vakasiyana-siyana uye vane tsika dzakasiyana-siyana. Kusiyana uku kunoita kuti vamwe vanhu vabate vamwe zvisina kunaka nemhaka yeruvara rweganda ravo kana maitiro avo.

 Asi Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vese vakabva kumunhu mumwe chete. Izvi zvinoreva kuti tese tiri hama nehama.

[Mwari] akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete.”Mabasa 17:26.

 “Takaona kuti vana vedu pavanowadzana nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vanogona kuzvionera vega kuti munhu mumwe nemumwe akakodzera kudiwa uye kuremekedzwa.”—Karen.

 Mungatsanangurira sei vana nezvenyaya yerusarura?

 Zvichatoitika kuti mwana wenyu achanzwa nhau dzinotaura nezvemhosva dzinoparwa zvichikonzerwa neruvengo kana kuti dzine chekuita nerusarura. Mungatsanangurira sei mwana wenyu zvinenge zvichiitika? Mungatsanangura nenzira dzakasiyana-siyana zvichienderana nezera remwana wenyu.

  •   Vana vasati vava kuenda kuchikoro. “Vana vadiki vanokoshesa chaizvo nyaya yekubatwa zvakaenzana,” vanodaro Dr. Allison Briscoe-Smith, mumagazini inonzi Parents. “Izvozvo zvinogona kukupai mukana wekutaura navo nezvenyaya yekubatwa zvisina kunaka kunoitwa vamwe vanhu.”

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”Mabasa 10:34,35.

  •   Vana vasati vava pazera rekuyaruka. Vana vane makore anotangira pa6 kusvika pa12 vanoda chaizvo kuziva uye dzimwe nguva vanobvunza mibvunzo yakaoma chaizvo. Edzai nepese pamunogona kupindura mibvunzo yavo. Taurai nevana venyu nezvezvavanoona kuchikoro uye nezvezvinobudiswa paTV kana paindaneti, uye shandisai mikana iyoyo kuvatsanangurira kuti rusaruraganda rwakaipa.

“Ivai nepfungwa dzimwe chete, muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo, muchizvininipisa.”1 Petro 3:8.

  •   Vana vava pazera rekuyaruka. Vana ava vava pazera rekuti vanokwanisa kunzwisisa nyaya dzakaoma chaizvo. Saka kana mwana wenyu ava pazera rekuyaruka, zvinokupai mukana wakanaka chaizvo wekuti mukurukure naye nyaya dzerusarura dzinobuda munhau.

“Vanhu vakuru . . . vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”VaHebheru 5:14.

 “Tinotaura nevana vedu nezvenyaya yerusarura nekuti pane imwe nguva muupenyu hwavo vachasangana narwo pasinei nekuti vanogara kupi. Kana tikasataura nezvenyaya iyi kumba, vanogona kutanga kufunga sezvinoita vamwe vanhu vane rusarura. Vanhu vanogona kuudza vana vedu mashoko enhema uye vovaudza kuti ndeechokwadi.”—Tanya.

 Zvamungaita kuti muve muenzaniso wakanaka

 Vana vanodzidza nemuenzaniso, saka zvinokosha kuti mungwarire zvamunotaura uye zvamunoita. Semuenzaniso:

  •   Munotaura muchitsvinyira kana kuti muchitarisira pasi vanhu vemamwe marudzi here? “Vana venyu vanocherechedza izvozvo uye vanoteerera zvamunotaura vobva vatevedzera zvamunenge muchiita,” rinodaro sangano reAmerican Academy of Child and Adolescent Psychiatry.

  •   Munofarira kuva pamwe chete nevanhu vanobva kune dzimwe nyika here? Chiremba wevana anonzi Alanna Nzoma anoti: “Kana uchida kuti vana vako . . . vave neushamwari [hwakanaka] nevanhu vanobva kwakasiyana-siyana, vanofanira kukuona uchiita saizvozvo.”

“Kudzai vanhu vese.”1 Petro 2:17.

 “Tava nemakore akawanda mhuri yedu ichigamuchira vanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana. Takadzidza zvavanodya uye mimhanzi yavo uye kunyange kutopfeka zvavanopfeka. Pataitaura nevana vedu nezvevanhu taisaisa pfungwa paruvara rwavo rweganda kana kuti parudzi rwavo. Uye taisadada netsika dzedu sekuti tsika dzedu dziri nani kupfuura dzevamwe.”—Katarina.

 Zvamungaita kana mwana wenyu achisarurwa

 Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachitaura nezvekubatwa zvakaenzana, rusarura rwakazara pasi rese. Izvi zvinoreva kuti mwana wenyu anogona kubatwa zvisina kunaka, kunyanya kana rudzi rwake ruchitarisirwa pasi. Kana izvozvo zvikaitika . . .

 Ongororai zvinenge zvaitika. Munhu wacho aita zvekutoronga here, kana kuti angotaurawo asina kufunga? (Jakobho 3:2) Munhu wacho anotofanira kutaurwa naye nezvezvaaita here kana kuti munogona kungosiya zvakadaro?

 Zviri pachena kuti tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa. Bhaibheri rinopa zano rekuti: “Usakurumidza kugumbuka.” (Muparidzi 7:9) Nyaya yerusarura haifaniri kurerutswa, asi izvi hazvirevi kuti pese paunofunga kuti wabatwa zvisina kunaka zvinoreva kuti munhu iyeye anovenga rudzi rwako.

 Nyaya imwe neimwe inosiyana, saka ongororai kuti chii chanyatsoitika musati masarudza zvekuita.

“Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese, upenzi uye kuzvinyadzisa.”Zvirevo 18:13.

 Kana mava nemashoko akakwana, zvibvunzei kuti:

  •   ‘Zvine zvazvinobatsira mwana wangu here kana akafunga kuti munhu wese ane rusarura uye kuti pese paanobatwa zvisina kunaka imhaka yeruvara rwake rweganda kana rudzi rwake?’

  •   ‘Mwana wangu angabatsirwa here nekutevedzera zano reBhaibheri rekuti: “Usava nehanya nemashoko ese anotaurwa nevanhu”?’—Muparidzi 7:21.

“Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”VaFiripi 4:5.

 Ko kana munhu wacho atoita zvekuronga? Batsirai mwana wenyu kuona kuti mapinduriro aanoita anogona kuita kuti zvinhu zvive nani kana kuti zvitowedzera kuipa. Dzimwe nguva munhu anotsvinya kana kuti anodenha anenge achida kuona kuti uchaita sei. Pakadaro, zvakanaka kusapindura.

“Kana pasina huni, moto unodzima.”Zvirevo 26:20.

 Ukuwo, kana zvichiita, mwana wenyu anogona kutaura nemunhu wacho. Zvichida mwana wenyu anogona kutaura (zvine rugare) kuti: “Ndinoona sekuti zvawataura (kana kuti zvawaita) hazvina kunaka.”

 Ko kana muchida kumhan’ara nyaya yacho? Kana zvichigona kuisa mwana wenyu pangozi, kana kuti nekuda kwechimwewo chikonzero muchiona sekuti nyaya yacho haifaniri kungoregwa yakadaro, inzwai makasununguka kutaura nevakuru vechikoro kana kuti mapurisa kana zvichidiwa.