Kuva Neunhu hwechiKristu
Nzira Yekuwana Mufaro—Kugutsikana Uye Kuva Nerupo
Vakawanda vanoti mufaro unobva pakuva nepfuma. Asi ichokwadi here kuti pfuma ndiyo inoita kuti munhu afare? Ongororo dzakaitwa dzinoratidzei?
Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekutenda Zvaunoitirwa?
Kuita izvi kune zvazvakanakira. Ungaita sei kuti ukwanise kuzviita?
Zvakanakira Kupa
Ukabatsira vamwe uchafara uye ivo vachafarawo. Kupa kunosimbisa ushamwari. Ungaita sei kuti uve munhu anopa achifara?
Mwari Anoda Kuti Tive Nemutsa
Zvine basa here kuti uitire vanhu vose mutsa? Mwari anoona sei unhu uhwu?
Nzira Yekuwana Mufaro—Mufaro
Kudiwa kana kuti kuda vamwe kunoita kuti munhu afare.
Rusarura—Ratidza Rudo
Kuratidza vamwe rudo kunoita kuti tisavasarura. Verenga unzwe dzimwe nzira dzekuratidza nadzo rudo.
Rusarura—Nzwira Vamwe Tsitsi
Kutadza kunzwira vamwe tsitsi kunogona kuratidza kuti une dambudziko rei?
Kuvengana Kungapedzwa Sei?—Usasarura
Kuti ubvise ruvengo mumwoyo mako, tevedzera kusasarura kunoita Mwari.
Zvaungaita Kuti Udzore Hasha
Hasha dzinogona kukanganisa utano hwako, uye kunyepedzera kuita seusina kugumbuka kunokuvadzawo. Saka ungaitei kana mumwe wako akakugumbura?
Kuva Munhu Munyoro—Kunoratidza Uchenjeri
Hazvisi nyore kuti urambe wakadzikama paunobatwa zvisina kunaka, asi Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vave vanhu vanyoro. Chii chingakubatsira kuti uve neunhu uhwu hwechiKristu?
Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?
Vakawanda vanoda shamwari dzechokwadi. Ungava sei shamwari yechokwadi kune vamwe? Nyaya ino inotaura mazano 4 anobatsira anowanikwa muBhaibheri.
Nzira Yekuwana Mufaro—Kuregerera
Munhu anogara akagumbuka haana mufaro uye anotokanganisa utano hwake.
Kanganwira Nemwoyo Wose
Kuda kwatinoita kuregerera kunoreva here kuti zvatakaitirwa zvinenge zvisina kutirwadza kana kuti tinenge tichiona sekuti hatina kutadzirwa?
Kutendeseka Kwakanakirei?
Vamwe vachitaura zvakaitika kwavari zvinoratidza kuti kutendeseka kunobatsira.

