Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Zvapupu zvaJehovha Zvakawanepi Zita Razvo?

Jehovha izita raMwari rinowanika muBhaibheri. (Eksodho 6:3; Pisarema 83:18) Chapupu munhu anotaura maonero kana kuti chokwadi zvaane chivimbo nazvo.

Saka zita redu rokuti Zvapupu zvaJehovha rinoita kuti tizivikanwe seboka revaKristu vanozivisa chokwadi nezvaJehovha, Musiki wezvinhu zvose. (Zvakazarurwa 4:11) Tinoparidzira vamwe nemararamiro atinoita uye nokuvaudza zvatinenge tadzidza muBhaibheri.Isaya 43:10-12; 1 Petro 2:12