Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Zvapupu zvaJehovha Zvinobvumira Vanhukadzi Kuparidza Here?

Hongu. Tose tiri vashumiri uye tinoparidza kusanganisira vanhukadzi vose. Sokutaurwa kwazvakanga zvaitwa neBhaibheri, ‘vakadzi vaizoparidza shoko vaizova vazhinji kwazvo.’Pisarema 68:11, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Vanhukadzi vechitendero cheZvapupu zvaJehovha vanotevedzera zvaiitwa nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri. (Zvirevo 31:10-31) Kunyange zvazvo vakadzi vasingatungamiriri muungano, vanoshanda nesimba pakuita basa rokuparidzira vamwe Shoko raMwari. Vanodzidzisawo vana vavo zvinotaurwa neBhaibheri. (Zvirevo 1:8) Mararamiro avo uye zvavanotaura zvinoita kuti vamwe vade kuvatevedzerawo.Tito 2:3-5.

 

Inzwa zvimwe

Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?

Unofunga kuti Bhaibheri rinozvidza vanhukadzi here? Dzidza maonero chaiwo anoitwa vanhukadzi naMwari.