Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaite “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19, 20) Paakatuma vadzidzi vake vokutanga-tanga, Jesu akavarayira kuti vaende mudzimba dzevanhu. (Mateu 10:7, 11-13) Pashure pokufa kwaJesu, vaKristu vokutanga-tanga vakaenderera mberi nokuparadzira shoko ravo “pachena uye paimba neimba.” (Mabasa 5:42; 20:20) Isu tinotevedzera muenzaniso iwoyo wevaKristu vokutanga uye tinoona kuti kuparidza paimba neimba inzira yakanaka inoita kuti titaure nevanhu.

 

Inzwa zvimwe

Vhidhiyo Pfupi: Mushandirapamwe Wokuparidza Pasi Rose Unoitwa neZvapupu zvaJehovha

Ona kuti nei mabhiriyoni emaawa achipedzerwa mubasa iri uye nei richiitwa mumitauro yakawanda.