Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Muchinjikwa?

Vanhu vakawanda vanoti muchinjikwa ndicho chiratidzo chevaKristu. Kunyange zvazvo tiri vaKristu, isu hatishandisi muchinjikwa. Chikonzero nei?

Chimwe chikonzero ndechokuti Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu haana kufira pamuchinjikwa asi padanda. Uyezve Bhaibheri rinonyevera vaKristu zvakasimba kuti “tizai kunamata zvidhori,” kureva kuti havafaniri kushandisa muchinjikwa pakunamata.—1 VaKorinde 10:14; 1 Johani 5:21.

Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Nemashoko aya Jesu airatidza kuti kuzvipira pakuda vamwe ndiko kwaizoratidza vaKristu vechokwadi kwete kushandisa muchinjikwa kana zvifananidzo.

 

Inzwa zvimwe

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

Ona kuti Bhaibheri rinoti tinofanira kunyengetera kunaani.