Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mari Yokuita Basa Renyu Inobvepi?

Mari Yokuita Basa Renyu Inobvepi?

Basa redu rokuparidza rinotsigirwa nezvipo zvinopiwa neZvapupu zvaJehovha. Patinoita misangano yedu hapana ndiro yemari inofambiswa uye hapana anonzi ngaabvise chegumi. (Mateu 10:7, 8) Asi tine mabhokisi okuisa zvipo anenge aripo panzvimbo dzatinonamatira okuti anoda hake anogona kupa chipo. Hapanyorwi mazita okuti nhingi ndiye abvisa mari yakati.

Chimwe chinoita kuti tisava nezvinhu zvakawanda zvokubhadhara inyaya yokuti hatina vakuru vesangano vanonzi vanofanira kubhadharwa. Uyezve Zvapupu hazvibhadharwi pakuita basa rokuparidza paimba neimba, uye nzvimbo dzatinonamatira hadzisi dzemaoresa.

Zvipo zvose zvinopiwa zvinotumirwa kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha uye zvinoshandiswa pakuyamura vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoerekana dzaitika, kutsigira mamishinari edu nevatariri vanofambira, kubatsira pakuvaka dzimba dzokunamatira munyika dziri kusimukira uye kupirinda nokutumira maBhaibheri nemamwe mabhuku echiKristu.

Munhu mumwe nomumwe anozvisarudzira kana achida kupa zvipo kuti pabhadharwe zvinhu zvinodiwa, kutsigira basa redu rinoitwa pasi rose kana kuti zvose zvinodiwa. Ungano imwe neimwe inoudza vatendi vari muungano yayo kuti imarii iripo uye imwe yakashanda sei.

 

Inzwa zvimwe

Ratidza Kuti Unoonga Rupo rwaJehovha

Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvakanaka nezvisina kunaka zvokupa nguva yedu, simba redu uye pfuma yedu.

Vhidhiyo Pfupi: Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yokuita Basa Razvo?

Ona kuti basa redu rinotsigirwa sei uye zvipo zvinobviswa sei pasi rose.