Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Chii Chinonzi Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha?

Dare Rinotungamirira iboka duku revaKristu vane ruzivo rwakakura panyaya dzokunamata uye ndiro rinopa Zvapupu zvaJehovha pasi rose mirayiridzo. Boka iri rinoita mabasa maviri:

Dare Rinotungamirira rinotevedzera zvaiitwa ‘nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema’ pakatanga chiKristu, avo vaimiririra ungano yose yechiKristu pazvinhu zvavaisarudza. (Mabasa 15:2) Saka nhengo dzeDare Rinotungamirira dzinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri pazvinhu zvavanoita dzichiratidza kuti dzinobvuma kuti Jehovha Mwari akagadza Jesu Kristu kuti ave Musoro weungano.1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 5:23.

Ndivanaani vari muDare Rinotungamirira?

Kubva muna March 2016, vari muDare Rinotungamirira ndiSamuel Herd, Geoffrey Jackson, Stephen Lett, Gerrit Lösch, Anthony Morris III, Mark Sanderson, naDavid Splane. Vanoshanda vari pamahofisi edu makuru ari kuWarwick, New York, U.S.A.

Dare Rinotungamirira rakarongwa sei?

Dare Rinotungamirira rine makomiti 6 anotarisira mabasa akasiyana-siyana uye mumwe nomumwe wavo anoshanda mukomiti imwe kana maviri.

  • Komiti Yevanoronga: Inoona nezvenyaya dzemumatare uye inobatsira kana paitika njodzi, kana kuti Zvapupu pazvinotambudzwa panyaya dzechitendero uye dzimwewo nyaya dzinofanira kukurumidza kugadziriswa dzine chokuita neZvapupu zvaJehovha.

  • Komiti Yevashandi: Inoona nezvevanhu vanoshanda paBheteri.

  • Komiti Inobudisa Mashoko: Inoona nezvekudhindwa, kutumirwa kwemabhuku eBhaibheri uye kuvakwa kwezvivako zvinoshandiswa pakunamata, mahofisi eshanduro nezvivako zvinoshandiswa nebazi.

  • Komiti Yebasa: Inoona nezvebasa redu rokuparidza “mashoko akanaka oumambo.”Mateu 24:14.

  • Komiti Yekudzidzisa: Inoona nezvezvinhu zvinodzidzwa pamisangano, pazvikoro zvinorongwa nesangano uye zvinhu zvinorekodhwa zvakadai semavhidhiyo nezvimwewo.

  • Komiti Yekunyora: Inoona nezvokunyorwa uye kushandurwa kwemabhuku edu uye zvinhu zvinoiswa panzvimbo yedu yepaIndaneti.

Kunze kwezvataurwa pamusoro apa, vhiki roga roga Dare Rinotungamirira rinoungana kuti rikurukure zvinhu zvinenge zvichidiwa musangano. Pavanoita misangano iyi, vanoshandisa zvinotaurwa neMagwaro uye vanobvumira mudzimu mutsvene waMwari kuti uvatungamirire pane zvose zvavanosarudza.Mabasa 15:25.

Ndivanaani vanobatsira Dare Rinotungamirira?

Boka revaKristu vakavimbika ndiro rinobatsira makomiti eDare Rinotungamirira. (1 VaKorinde 4:2) VaKristu ava vanhu vane unyanzvi uye vava nenguva yakareba vachiita basa rinoenderana nekomiti yavanenge vari. Makomiti avanoshanda maari paanoita misangano yawo vhiki nevhiki vanhu ava vanovabatsira vanenge varipowo. Vanopawo mazano nemashoko anogona kubatsira Dare Rinotungamirira pakuzoziva zvokusarudza uye kana Dare Rinotungamirira riine zvarasarudza vanhu ava ndivo vachaona kuti zvasarudzwa zvacho zvashandiswa here. Dare Rinotungamirira rinogonawo kutuma vanhu ava kune dzimwe nyika kuti vanosimbisa vatinonamata navo kana kuti vanodzidzisa pamusangano wepagore kana kuti pamusangano wevanhu vanenge vapedza kudzidza kuchikoro cheGiriyedhi.

MAZITA EVANHU VANOBATSIRA

Komiti

Zita

Yevanoronga

  • John Ekrann

  • Robert Wallen

 

Yevashandi

  • Gerald Grizzle

  • Patrick LaFranca

  • Daniel Molchan

  • Ralph Walls

 

Inobudisa Mashoko

  • Don Adams

  • Robert Butler

  • Harold Corkern

  • Donald Gordon

  • Robert Luccioni

  • Alex Reinmueller

  • David Sinclair

 

Yebasa

  • Gary Breaux

  • Joel Dellinger

  • Seth Hyatt

  • Christopher Mavor

  • Baltasar Perla, Jr.

  • William Turner, Jr.

  • Robert Wallen

  • Leon Weaver, Jr.

 

Yekudzidzisa

  • Ronald Curzan

  • Kenneth Flodin

  • William Malenfant

  • Mark Noumair

  • David Schafer

 

Yekunyora

  • Robert Ciranko

  • James Mantz

  • Izak Marais

  • Gene Smalley

 

Inzwa zvimwe

Nei Mwari Aine Sangano?

Bhaibheri rinotaura kuti nei vaKristu vechokwadi vakarongeka uye kuti vakarongeka sei.

Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei Mazuva Ano?

Muzana remakore rokutanga, boka duku revarume vakuru nevaapostora raishumira sedare rinotungamirira muungano yechiKristu. Ko nhasi?

Zvapupu zvaJehovha Zvine Vakuru Vanobhadharwa Here?

Mune zvinzvimbo here? Ndivanaani vanoshumira sevashumiri vakagadzwa?