Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Hofisi uye Kuratidzwa Zvinoitwapo

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu uye panzvimbo dzatinodhindira mabhuku. Sarudza nzvimbo yaunoda uye ona nguva yokuratidzwa zvinoitwa ipapo.

United States

Bhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Musati maronga kushanyira mahofisi edu ari kuUnited States, tangai mabhuka. Shandisai malink ari pasi apa kuti mubhuke zuva ramunoda kushanyira hofisi imwe neimwe. Zivai kuti pazuva rimwe chete munokwanisa kungoona nzvimbo mbiri musingaiti zvekumhanya-mhanya.

Munofanira kugara mabhuka kana muchida kuzoshanyira chero hofisi yedu iri muUnited States pasinei nekuti muri kuronga kushanya makawanda sei.

Boka Revanhu Vasingasviki 20

Boka Revanhu 20 Zvichikwira

Shandisai jw.org pakutumira chikumbiro chenyu chekubhuka kushanya makawanda kuti muzoona mahofisi edu ari muPatterson, muWallkill, kana kuti muWarwick.

Dzimisai Zvamakabhuka

Shandisai fomu riri pajw.org kuti mudzime zvamakabhuka.

Patterson

100 Watchtower Dr. (2891 Route 22)

PATTERSON NY 12563

UNITED STATES

+1 845-306-1000

Kuratidzwa Zvinoitwapo

Tangai mabhuka kuzoshanyira mahofisi edu musati maronga mafambiro amuchaita.

Muvhuro kusvika Chishanu

8:00 a.m. kusvika 11:00 a.m. uye 1:00 p.m. kusvika 4:00 p.m.

Kunotora maawa maviri

Muchidimbu

Tinogadzira mifananidzo inozoiswa mumabhuku edu uyewo tinorekodha mavhidhiyo nezvekuteerera. Vanenge vashanya vanoudzwawo muchidimbu nezvezvikoro zveBhaibheri zvinoitwa pano.

Wallkill

900 Red Mills Rd.

WALLKILL NY 12589

UNITED STATES

+1 845-744-6000

Kuratidzwa Zvinoitwapo

Tangai mabhuka kuzoshanyira mahofisi edu musati maronga mafambiro amuchaita.

Muvhuro kusvika Chishanu

8:00 a.m. kusvika 11:00 a.m. uye 1:00 p.m. kusvika 4:00 p.m.

Kunotora maawa maviri

Muchidimbu

Tinoprinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri anopfuura mamiriyoni 25 gore negore. Tinotumira mabhuku emitauro inopfuura 360 kumapazi ari pasi rese uyewo kuungano dzinopfuura 15 000 dzeZvapupu zvaJehovha dziri muUnited States, Canada, uye muCaribbean.

Warwick

1 Kings Dr.

TUXEDO PARK NY 10987

UNITED STATES

+1 845-​324-​3000

Kuratidzwa Zvinoitwapo

Vanhu vanogona kutanga kuuya kuWarwick kuzoona zvinoitwapo kutanga musi weMuvhuro 3 April 2017. Tangai mabhuka pajw.org kuzoshanyira mahofisi edu musati maronga mafambiro amuchaita.

Muvhuro kusvika Chishanu

8:00 a.m. kusvika 4:00 p.m.

(Kutenderera mega muchiona zvinoitwapo)

8:00 a.m. kusvika 11:⁠00 a.m. uye 1:00 p.m. kusvika 4:00 p.m.

(Kuratidzwa nemumwe zvinoitwapo)

Muchidimbu

Kutenderera mega muchiona zvinoitwapo

  1. Bhaibheri Uye Zita raMwari. Apa panenge pachiratidzwa maBhaibheri asingachanyanyi kuwanika uye panotaurwa muchidimbu kuti zita raMwari rakachengetedzwa sei muMagwaro pasinei nekuti vanhu vaiedza kuribvisa. Panenge painewo nzvimbo inoiswa mamwe maBhaibheri asingachanyanyi kuwanika nezvimwe zvinhu zvekare zvine chekuita neBhaibheri izvo zvinozopota zvichibviswa pachiiswa zvimwe.

  2. Vanhu Vezita raJehovha. Apa panenge paine zvinhu zvinoratidza nhoroondo yenhaka yezvekunamata yeZvapupu zvaJehovha. Panewo mapikicha, mashoko akataurwa nevanhu, uye zvimwe zvinhu zvekare zvinoratidza kutungamirira, kudzidzisa uye kuronga kwaiita Jehovha vanhu vake kuti vaite kuda kwake.

  3. Mahofisi Makuru​—Mabasa Anoratidza Kutenda. Apa pane mashoko anobudiswa achitsanangura basa remakomiti eDare Rinotungamirira uye kubatsira kwaanoita Zvapupu zvaJehovha kuti zvitevedzere zvinotaurwa nemagwaro panyaya yekuungana pamwe chete, kudzidza zvinhu zvine chekuita nekunamata uye kuratidzana rudo.

Kuratidzwa nemumwe zvinoitwapo

Munotenderera kwemaminitsi 20 muchiratidzwa nzvimbo dzine Mahofisi neServices Building uye dzimwewo nzvimbo dziri paWarwick.

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi yacho