Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Chikamu 2 Chemapikicha ekuPhilippines (June 2015 - June 2016)

Chikamu 2 Chemapikicha ekuPhilippines (June 2015 - June 2016)

Zvapupu zvaJehovha zvekuPhilippines zvakapedza basa rekugadziridza mahofisi ebazi muQuezon City. Pamapikicha ari pasi apa, cherechedzai kuti basa rakafamba sei uye kuti vanhu vakazvipira sei kuita basa racho kubva muna June 2015 kusvika muna June 2016. Zvadaro, pashure pemwedzi mishomanana zvivako zvacho zvakanga zvava kukwanisa kushandiswa uye zvakabva zvatsaurirwa muna February 2017.

Zvivako zvakagadziridzwa kana kuti zvakavakwa zvinosanganisira:

  • Chivako 4 (Dzimba dzekugara)

  • Chivako 5 (Audio/Video, Dhipatimendi Rebasa)

  • Chivako 6 (Vanotarisira Bindu, Garaji, Kwekuweredha)

  • Chivako 7 (Makombiyuta, Local Design/Construction, Kwekugadzira Zvinhu, Kunosvikira Zvinhu, Shanduro)

June 15, 2015—Quezon City

Vanhu vaiita basa rekuisa kongiri vanogadzira pekufamba napo kubva paChivako 1, 5, uye 7.

June 15, 2015—Chivako 5

Vanoita zvekuvaka vanotarisa mapurani akagadzirwa neRegional Design/Construction Department–Asia/Pacific. Muna March 2016, dhipatimendi racho rakabva pahofisi yebazi iri kuAustralia richienda kune yekuPhilippines.

June 23, 2015—Quezon City

Paifambwa napo pari kudhiritswa kuitira kuti pacherwe. Pachaiswa mapaipi anotonhodza mhepo.

July 20, 2015—Quezon City

Murume nemudzimai wake vekuUnited States vari kugadzirira kuweredha zvekubata kana munhu achifamba nemunofambwa namo.

July 20, 2015—Quezon City site

Vashandi vanofushira mapaipi anounza mvura inotonhodza mhepo pakati peZvivako 4 ne5.

September 18, 2015—Chivako 5

Muvaki ari kushandisa gun tacker kuisa windowsill.

September 18, 2015—Chivako 5

Muvaki ari kuisa kapeti. Nhurikidzwa yechi2 muChivako 5 icho chinoshandiswa nedhipatimendi reAudio/Video, inoiswa kapeti kudzikisa ruzha.

October 22, 2015—Chivako 5

Vanhu vari kupenda kunze kwemahofisi . Pendi yacho inoita kuti mukati musanyanya kupisa zvobva zvaderedza mari yemagetsi anoshandiswa pakuita kuti mahofisi atonhorere.

February 10, 2016—Chivako 4

Muvaki ari kugadzira mudhuri unoshanda sefenzi. Chivako 4, icho chine nhurikidzwa 2, chinogarwa nevadzidzi vanopinda zvikoro zveBhaibheri zvakasiyana-siyana.

February 10, 2016—Chivako 4

Mushandi anoona nezvekudziya nekutonhodzwa kwemahofisi ari kugadzira mapaipi anounza mvura yekutonhodza. Izvi zvinoita kuti zvinhu zvishande zvakanaka.

February 16, 2016—Chivako 4

Mushandi wekuAustralia ari kuona kana magetsi ari kushanda zvakanaka. Pane vanhu vanopfuura 100 vakadzidzira basa vakabva kunze kwePhilippines vakakokwa kuti vabatsire pabasa iri rekugadziridza.