Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mapikicha okuPhilippines Chikamu 1 (February 2014 Kusvika May 2015)

Mapikicha okuPhilippines Chikamu 1 (February 2014 Kusvika May 2015)

Zvapupu zvaJehovha zviri kuvaka zvivako zvitsva uye kugadziridza zvagara zviripo pahofisi yebazi rekuPhilippines riri muQuezon City. Sezvo mabhuku eko ava kuprindirwa kubazi rekuJapan, muchivako chaimboprindirwa ndimo muchange mava nemadhipatimendi anotevera: remakombiyuta, rekuvaka rinonzi Local Design/Construction (LDC), reMaintenance, reShipping, uye reShanduro. Mapikicha aya anoratidza mamwe emabasa akaitwa kubva muna February 2014 kusvika muna May 2015. Basa racho rinotarisirwa kuti ringe rapera panozosvika October 2016.

Zvichange zvakaita bazi rekuPhilippines kana rapera. Zvivako zviri kuvakwa kana kuti zviri kugadziridzwa zvinosanganisira:

  • Chivako 4 (Dzimba Dzokugara)

  • Chivako 5 (Audio/Video, Service Department)

  • Chivako 6 (Landscaping, Garaji Rekugadzirira Mota, Kunoitwa Basa Rekuweredha)

  • Chivako 7 (Makombiyuta, LDC, Maintenance, Shipping, Shanduro)

28 February 2014—Chivako 7

Vashandi vari kuputira fiberglass kuti isakanganiswe neunyoro. Vakapfeka mbatya dzinodzivirira kuti isaenda paganda.

2 April 2014—Chivako 7

Vashandi vari kupedzisa kugadzira sirin’i yemunorekodherwa mavhidhiyo emutauro wemasaini wekuPhilippines. Vari kusiya maburi esikweya musirin’i kuti vazoisa maHVAC diffusers ayo anopinza mhepo mukamuri racho rose.

21 October 2014—Pabazi muQuezon City

Mushandi ari kuchera kuti vaise muchina unotonhodza mvura. Muchina wacho uchatonhodza mvura ichashandiswa pazvivako zvacho zvose zvepabazi.

19 December 2014—Nzira yokufamba nayo iri mudenga inojoinisa Chivako 1, 5, ne7

Nzira iyi inojoinisa zvivako zvose zvikuru, kusanganisira Chivako 1, icho chine imba yokudyira. Nzira iyi ichanyanya kushandiswa nevanhu vanodarika 300 vachange vachishanda muChivako 7.

15 January 2015—Chivako 5

Crane iri kusimudza marata. Panoshandiswa macrane akasiyana-siyana uye vashandi vakahayiwa ndivo vanoadhiraivha.

15 January 2015—Chivako 5A

Muchivako ichi mune zvimbudzi zviviri, masitepisi uye rifiti. Kuva nezvimbudzi uye masitepisi muchivako ichi zvinoita kuti muChivako 5 musare muine nzvimbo yakakura. Uye kuisa rifiti muchivako ichi pane kuiisa muChivako 5 zvinoita kuti ruzha rwayo painenge ichikwira nekudzika rusavhiringidza zvinenge zvichirekodhwa.

15 January 2015—Chivako 5A

Vashandi vari kuisa masimbi ekusimbisa kongireti vari pamumvuri. Muna January kazhinji tembiricha inenge iri kuma29°C uye muna April inenge iri kuma34°C.

5 March 2015—Chivako 5

Mapuranga ari kuiswa padenga kuti rinyatsosimba. Pachivako 5 pakashandiswa mapuranga anenge 800.

17 March 2015—Chivako 5

Kukanya kongireti. Pavanhu vari kuita basa rekuvaka mahofisi aya pane vashandi vanodarika 100 vanobva kuAustralia, Canada, France, Japan, New Zealand, South Korea, Spain, United States, uye kune dzimwe nyika.

25 March 2015—Chivako 5

Kuisa marata padenga reChivako 5, chaimbova nemahofisi eDhipatimendi reShanduro. Chivako chacho chiri kugadziridzwa kuti chizoshandiswa nedhipatimendi reAudio/Video uye Service Department.

13 May 2015—Chivako 5

Mushandi ari kucheka simbi dzichazoshandiswa pakugadzira madziro emahofisi.

Inzwa zvimwe

Pahofisi Yebazi yeZvapupu zvaJehovha Panoitwei?

Vanenge vashanya vanobvumirwa kutenderera vachiratidzwa chero imwe yemahofisi edu ebazi. Tinokukoka kuti uitewo kudaro!