Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mapikicha okuWarwick Chikamu 3 (January Kusvika April 2015)

Mapikicha okuWarwick Chikamu 3 (January Kusvika April 2015)

Ona mafambiro akaita basa rekuvaka mahofisi makuru matsva eZvapupu zvaJehovha kubva muna January kusvika muna April 2015.

Zvichange zvakaita zvivako zvekuWarwick kana zvapera. Kutangira kuruboshwe nechekumusoro:

  1. Garaji Rekugadzirira Motokari

  2. Pokupakira Motokari Dzevaeni

  3. Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

  4. Residence B (Dzimba dzokugara)

  5. Residence D

  6. Residence C

  7. Residence A

  8. Mahofisi neServices Building

2 January 2015—Garaji Rekugadzirira Motokari

Harold Corkern, anobatsira Komiti Inobudisa Mashoko yeDare Rinotungamirira achipa hurukuro inobva muBhaibheri yaiva nemusoro unoti, “Kuita Zvose Zvaunogona.” Vashandi vekuWarwick vanogara vachishanyirwa kuti vapiwe hurukuro dzekuvakurudzira.

14 January 2015—Mahofisi neServices Building

Purasitiki yakaiswa pachivako ichi inodzivirira vashandi uye inovabatsira kuti vakwanise kuita mabasa avo munguva yechando. Muchivako ichi ndimo muchange muine imba yekudyira, kiriniki, kicheni, uye imba yekuwachira.

16 January 2015—Residence D

Vanoita zvemagetsi vachigadzirira kuisa tambo. Kudzimba dzekugara kwakatoiswa tambo dzemagetsi zvokuti dzikajoinidzwa dzinopfuura makiromita 12. Basa remagetsi paWarwick rakatanga pakangotengwa nzvimbo yacho uye richaramba richiitwa kusvikira kuvaka kwapera.

16 January 2015—Residence A

Mushandi ari kunama kavheranda kari mudenga achiitira kuti vazoisa zvimwe zvinhu zvinoita kuti mvura isazonwirira. Pachazodirwa mushonga unonzi polymethyl methacrylate (PMMA) uyo unoita kuti mvura isanwirira.

23 January 2015—Residence A

Baba nemwanasikana wavo vari kuisa tambo dzemagetsi dzichazoendesa magetsi mudzimba dzokugara.

6 February 2015—Garaji Rekugadzirira Motokari

Vashandi vari kudya zvekudya zvemasikati muimba iri kufanoshandiswa seimba yekudyira. Zuva rimwe nerimwe panogadzirwa zvekudya zvevanhu vanopfuura 2 000.

12 February 2015—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Vashandi vari kuisa masimbi kuitira kuti faundesheni yeMaintenance Building inyatsosimba.

12 February 2015—Residence C

Tsamba dzakanyorwa nevana vachitenda vanhu vari kuvaka. Vashandi vakawanda vanouya vachigara kwenguva pfupi. Vhiki yega yega panenge paine vashandi vatsva vanenge 500. Muna February, zuva rimwe nerimwe paiva nevashandi vanenge 2 500.

24 February 2015—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Basa guru rakatopera. Pakati paJanuary naApril 2015, mafuremu edzimba dzekugara uye emahofisi neServices Building akanga atomiswa. Panguva iyoyo vashandi vakabva vatangawo kumisa madziro ekongireti paMaintenance Building, kugadzira nzira dzekufamba nadzo kubva kune imwe residence kuenda kune imwe, uye kugadziridza dhamu riri muSterling Forest Lake (Blue Lake).

25 February 2015—Mahofisi neServices Building

Pikicha yakatorwa nemunhu ari nechepasi mune chimwe chivako. Vashandi vakahayiwa vakaita mamwe mabasa aifanira kutanga aitwa pakuvaka chivako ichi chine nhurikidzwa shanu asi Zvapupu ndizvo zvakazodira kongireti.

26 February 2015—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Musi uyu kwaitonhora chaizvo, uye ndipo pakaiswa masimbi ekusimbisa faundesheni. Kubva muna January kusvika muna March kuWarwick kwakanaya sinou yakawanda yaigona kusvika muchiuno. Paiva nevashandi vaigara vachibvisa sinou yacho panzvimbo yaiitirwa basa, uye vaiva nepavaikwanisa kuenda kuti vambonodziyirwa.

12 March 2015—Pokupakira Motokari DzevaeniMarata achisungirirwa padenga. Pakazopera mwedzi waApril, basa zhinji rekugadzira denga remaresidence rakanga ratoitwa. Nechepakati pemwedzi waJune ndipo paitarisirwa kuti basa rekugadzira denga reResidence B raizopera.

12 March 2015—Pokupakira Motokari Dzevaeni

18 March 2015—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Pikicha inoratidza zvakaita nzvimbo yacho takatarisa kune Residence B.

18 March 2015—Maintenance Building nePokupakira Motokari Dzevanogarapo

Vanogadzira pombi dzemvura vachitarisa purani yePokupakira Motokari Dzevanogarapo. Panodiwa mapurani anopfuura 3 400 pabasa racho rose.

23 March 2015—Mahofisi neServices Building

Vashandi vari kuisa purasitiki inodzivirira chando. Kuti vasakuvara, vashandi vanogara vachidzidziswa mashandisiro akanaka avanofanira kuita zvinhu zvakasiyana-siyana pabasa ravo. Zvimwe zvavanodzidziswa zvinosanganisira kushandisa zvinhu zvakadai semaboom lift, mascissor lift, zvinhu zvokushandisa pakufema uye kutsanangurirwa nzira dzekuzvidzivirira nadzo kuti munhu asadonha, nedzekutaurirana pavanenge vachishandisa mimwe michina kusimudza zvinhu zvinorema.

30 March 2015—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Takatarisa kumavirira tiri pamberi pedzimba dzokugara. Pakazopera April, basa remagetsi nemamwewo akanga atotanga kuitwa pazvivako zveResidence A, B, neD, izvo zviri kuratidzwa papikicha ino. PaResidence C (iyo isipo papikicha ino), vakanga vatotangawo kupedzisa kugadzira madziro, matiles, uye kupenda.

15 April 2015—Residence B

Vashandi vaviri vari kupenda madziro nemushonga unoita kuti asapindwe nemvura. Zvinotora inenge mwedzi miviri kupedza residence imwe neimwe.

27 April 2015—Mahofisi neServices Building

Madziro ari kuvakwa nematombo anonzi granite. Muchivako ichi ndimo muchange muchiitwawo mabasa akasiyana-siyana uye muchava nenzvimbo yokuburutsira zvinhu.

30 April 2015—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Mushandi akahayiwa anga achichinja vharuvhu yepombi yemvura muBlue Lake. Mvura yemuBlue Lake inogona kuitwa kuti isafashukire kana kwaita mafashamo nekungodzvanya bhatani.

Inzwa zvimwe

NHARIREYOMURINDI (YOKUDZIDZA)

Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuNew York

Chii chakaita kuti mumwe murume nomudzimai vasiye imba yavo hombe yakanaka yavaida vakanogara muimba duku?