Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Mapikicha ekuWarwick Chikamu 6 (March Kusvika August 2016)

Mapikicha ekuWarwick Chikamu 6 (March Kusvika August 2016)

Ona mafambiro akaita basa rekuvaka mahofisi makuru matsva eZvapupu zvaJehovha uye kuti vashandi vaiuya kuzobatsira pakuita basa racho asi pasina mari yavaipiwa, vakaritsigira sei kubva muna March kusvika August 2016.

Mufananidzo wezvivako zvekuWarwick. Kutangira kuruboshwe nechekumusoro:

  1. Garaji Rekugadzirira Motokari

  2. Pekupakira Motokari Dzevaeni

  3. Maintenance Building nePekupakira Motokari Dzevanogarapo

  4. Residence B

  5. Residence D

  6. Residence C

  7. Residence A

  8. Mahofisi neServices Building

16 March 2016​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Vashandi vari kuburutsa mioak nemimaple panzvimbo inoburutsirwa miti. Miti inopfuura 1 400 iri kudyarwa kuWarwick.

23 March 2016​—Garaji Rekugadzirira Motokari

Vashandi vekuWarwick vari kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Ikoko, vanhu vanokwana 384 vakapinda musangano uyu, unoitwa gore negore neZvapupu zvaJehovha pasi rese.

15 April 2016​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Vashandi vari kuisa mahwindo paimba yepagedhi. Vashandi vepagedhi vachange vachigamuchira vaenzi, vachibatsira pakuchengetedza nzvimbo yacho, uye vachiona nezvekupinda nekubuda kwemotokari panzvimbo yacho.

19 April 2016​—Mahofisi neServices Building

Baba nemwanakomana wavo vari kuisa kapeti munofamba nevanhu, munhurikidzwa yechipiri. Kapeti iyi inoiswa iri tuzvidimbu tuzvidimbu yakanyanya kushandiswa munofambwa nevanhu vakawanda kuitira kuti kana ikazokanganisika zvinova nyore kuibvisa pachiiswa imwe, kana zvichienzaniswa neinoita zvekuwaridzwa.

27 April 2016​—Mahofisi neServices Building

Vavezi vari kuisa mabhodhi ekukamura mahofisi. Mabhodhi acho anoita kuti zvizova nyore kuti madhipatimendi awedzere kana kuderedza kukura kwemahofisi zvichienderana nezvinenge zvichidiwa.

10 May 2016​—Mahofisi neServices Building

Mushandi ari kugadzira munzvimbo ichazoiswa zvimbuzi iri pedyo nemunosvikira vaenzi.

26 May 2016​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Vechikwata cheEmergency Response vari kudzidzira zvavangazoita pakugadzirira kudzima moto. Vashandi ava vanoita zvekudzimura moto pavanogara vakagadzirira kuzoita mabasa akadaro nekukurumidza, zvinobatsira pakudzivirira vashandi nezvivako zvekuWarwick uyewo kuti zvisaremedza makambani eko anodzimura moto, vemaambulance nemapurisa.

30 May 2016​—Mahofisi neServices Building

Mushandi anopa vanhu zvekudya ari kupa vashandi vekuWarwick pekugara muimba yekudyira, musangano wekutanga weKunamata Kwemangwanani usati watanga kutepfenyurirwa kunzvimbo iyoyo.

31 May 2016​—Maintenance Building nePekupakira Motokari Dzevanogarapo

Mukadzi ari kushandisa muchina wekuenzanisa unonzi self-leveling laser pakuisa chimwe chezvikwangwani zvinopfuura 2 500 zvichabatsira pakuratidza vaenzi nevanogarapo kwekufamba nako.

1 June 2016​—Mahofisi neServices Building

Mushandi ari kunamira simbi dzekuti vanhu vabatirire vari pamasitepisi anobva munosvikira vaenzi kuenda kuauditorium. Gumbeze risingatsvi iro riri nechepazasi papikicha yacho rinodzivirira kuti papera kugadzirwa pasakanganiswa nemoto.

9 June 2016​—Mahofisi neServices Building

Murume wemuDhipatimendi Rinogadzira Madziro Emukati Mezvivako Nemasirin’i ari kupedzisa kuisa chibhodhi pamadziro anoenda kuchikamu chakanzi “Mabasa Anoratidza Kutenda.” Chikamu ichi ndechimwe chezvikamu zvitatu zvekuti vaenzi vanotenderera vega vachiona. Zvinhu zviri pachikamu chimwe nechimwe zvinosimbisa dingindira rechikamu chacho.

16 June 2016​—Garaji Rekugadzirira Motokari

Vashandi vari kugadzira uriri hwekongiri kuti huzotsindirwa. Matanho anotorwa pakutsindira kongiri anoita kuti ivhare, isimbe, isabatira guruva kana kudhindikira mavhiri emotokari, uye zvisaoma kupakuigadzirisa.

29 June 2016​—Mahofisi neServices Building

Vashandi vari kuisa magirazi padenga riri pekupinda napo munosvikira vaenzi. Magirazi acho anoita kuti chiedza chipinde zvinyoro nyoro.

29 June 2016​—Mahofisi neServices Building

Murume nemudzimai vari kuisa matiles edombo rinonzi granite nechepamberi pechikamu chakanzi “Bhaibheri Uye Zita raMwari.”

6 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Mukadzi ari kuisa imwe yemacheya 1 018 emuauditorium hombe. Auditorium yacho ichazoshandiswa nemhuri yeBheteri pakuita Chidzidzo cheNharireyomurindi nemamwewo mapurogiramu ekunamata.

9 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Vashandi vanoveza, vanoita zvemagetsi nevamwewo, vari kuisa chikwangwani chekugamuchira vaenzi chichange chichibatidzwa nemagirobho.

13 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Vakadzi vaviri vemudhipatimendi reBuilding Support vari kuunza mvura yekunwa kuvashandi vari munosvikira vaenzi. Mazuva akwainyanya kupisa, zvikwata zvekuvaka zvaigara zvichikurudzirwa kunwa mvura yakawanda.

19 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Murume ari kugadzira masherufu achazoiswa maBhaibheri asingachanyanyi kuwanika pachikamu chinonzi “Bhaibheri Uye Zita raMwari.” Pachikamu ichi pachange painewo nzvimbo inoiswa mamwe maBhaibheri nezvimwe zvinhu zvekare zvine chekuita neBhaibheri izvo zvinozopota zvichibviswa pachiiswa zvimwe.

22 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Murume ari kunamira nyika yeAustralia nezvitsuwa zvekuSoutheast Asia pamepu yenyika dzakawanda iri kubuda pamadziro emunosvikira vaenzi. Mashoko ekuti Zvapupu zvaJehovha ari kuoneka mumitauro inenge 700 pamadziro.

23 July 2016​—Mahofisi neServices Building

Nhengo dzemhuri yeBheteri dziri kudzidziswa nezvezvakaita paWarwick. Kudzidziswa kwacho kwakaitirwa kubatsira vachazogara kuWarwick kuti vazive zvakaita nzvimbo yacho uye kuvayambira nezvezvavanofanira kuchenjerera pairi.

17 August 2016​—Studio yeJW Broadcasting

Vanhu vane unyanzvi hwekusimudza nekufambisa zvinhu zvinorema, vari kusimudza chinhu cheraundi chinozoiswa magirobho chinenge chiri pamusoro pedhesiki rinoshandiswa pakutepfenyura JW Broadcasting. Zvinhu zvakawanda zvemustudio zvakatoendeswa kuWarwick zvichibva kuBrooklyn kwazvaimbova.

24 August 2016​—Zvakaita Nzvimbo Yacho kuWarwick

Murume anoita zvemagetsi ari kuisa chikwangwani chitsva chichange chiine magirobho eLED accent lighting pamberi pegedhi hombe rinopinda nevanhu. Kubva musi wa1 September, madhipatimendi akawanda epamahofisi makuru akanga ava kushanda kuWarwick.

Inzwa zvimwe

NDIVANAANI VARI KUITA KUDA KWAJEHOVHA MAZUVA ANO?

Chii Chinonzi Bheteri?

Bheteri inzvimbo yakasiyana nedzimwe ine chinangwa chinokosha zvikuru. Dzidza zvakawanda nezvevaya vanoshanda ipapo.