Enda pane zvauri kuda

Kuparidzira Marudzi Evanhu Vakatanga-tanga Kugara muCanada

Kuparidzira Marudzi Evanhu Vakatanga-tanga Kugara muCanada

MuCanada mune mitauro inopfuura 60 inotaurwa nemarudzi evanhu vakatanga-tanga kugara munyika yacho, uye pamarudzi iwayo vanhu vanoda kusvika 213 000 vanotaura kuti, pamitauro iyi, mumwe chete wacho ndiwo rurimi rwaamai.

Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzira mutauro mumwe chete pamitauro iyoyo kuti zvikwanise kuparidzira vanhu ava. Pakazopera gore ra2015, vanhu vanopfuura 250 vakanga vapedza zvidzidzo zvavaiita mukirasi yakanga yarongwa neZvapupu yekudzidzira mumwe wemitauro iyi.

Uyewo, pamitauro iyoyo yese, Zvapupu zvaJehovha zvakashandura mabhuku anotaura nezveBhaibheri, kusanganisira mavhidhiyo, vachizviisa mumitauro 8 inoti: chiAlgonquin, chiBlackfoot, chiPlains Cree, chiWest Swampy Cree, chiInuktitut, chiMohawk, chiOdawa, uye chiNorthern Ojibwa. a

Vanhu vanodzidzira mitauro yakadaro vanoti dzimwe nguva zvinombovaomera pavanenge vachiidzidza. Carma anoti: “Pandakatanga kubatsira boka rinoshandura mutauro wechiBlackfoot, ndaiita semunhu abatwa nechadzimira. Ndaisanyatsoziva mutauro wacho. Ndaisakwanisa kuverenga chiBlackfoot uye mashoko akawanda emutauro wacho ndaisaanzwisisa.”

“Mashoko akawanda acho akareba uye akaoma kududza,” anodaro Terence, uyo anoshanda neboka revanoshandura mutauro wechiWest Swampy Cree. Daniel, mumwe mushumiri wenguva yakazara wekuManitoulin Island, kuOntario, anoti: “Mabhuku ekushandisa pakudzidzira mutauro wacho mashoma. Nzira yakanyanya kunaka yekudzidza chiOdawa ndeyekutsvaka mbuya kana kuti sekuru vemunzvimbo yacho wovakumbira kuti vakudzidzise.”

Kuita zvese izvozvo kune zvakuri kubatsira here? Mumwe mukadzi wechiOjibwa akataura kuti basa riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha rinoita kuti vave vakasiyana nezvimwe zvitendero. Akati kuenda kunoita veZvapupu zvaJehovha padzimba dzevanhu vachivaverengera Magwaro muchiOjibwa, kunoita kuti vanhu vanyatsonzwa vakasununguka kukurukura nezveBhaibheri.

Bert, mumwe mushanduri akakurira munharaunda inogara verudzi rwechiBlood kuAlberta, anoti: “Ndakaona vanhu vakati wandei vechiBlackfoot vakabata mabhuku anotsanangura Bhaibheri ari pachipfuva, vachiti, ‘Uyu ndiwo mutauro wangu. Rakanyorerwa inini!’ Kakawanda ndinoona misodzi ichiyangarara mumaziso avo pavanoona vhidhiyo mumutauro wavo.”

Mumwe mukadzi anotaura chiCree akafarira chaizvo vhidhiyo iri mumutauro wake inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? Anoti ainzwa sekuti amai vake ndivo vaitaura naye.

Kuita Zvese Zvavanogona Kuti Vaparidzire Vanhu Vanogara Kure

Zvapupu zvakawanda zvakaita zvakasiyana-siyana kuti zvikwanise kuudzawo vanhu vemarudzi akatanga-tanga kugara kuCanada mashoko anonyaradza emuBhaibheri. Terence nemudzimai wake Orlean, vanoyeuka imwe nguva yavakamboenda kunzvimbo ine vanhu ivavo. Vanoti: “Taivawo pakati pevanhu vakatyaira kwemaawa 12, tichifamba nemumigwagwa yaiva neaizi takananga kumusha weLittle Grand Rapids kuti tinoparidza ikoko. Vanhu vacho vaifarira chaizvo!”

Vamwe vakasiya misha yavo kuti vaende kunogara pedyo nenzvimbo dzinowanika vanhu ava. Pashure pekunge vamboita mwedzi mitatu vachiparidza kuManitoulin Island, Daniel nemudzimai wake LeeAnn, vakasarudza kuzotamira ikoko. Daniel anoti: “Izvi zvinoita kuti tive nenguva yakawanda yekuita kuti vanhu vacho vasvike pakutijaira uye kuti vatange kufarira.”

“Nekuti Ndinonyatsovada”

Nei Zvapupu zvaJehovha zviri kushanda nesimba zvakadai kuti zviparidzire vanhu ivavo? Mudzimai waBert, anonzi Rose, anotsanangura kuti: “Sezvo ndiri mumwe wevanhu vemarudzi iwayo, uyezve ndichiziva kubatsira kwazvinoita kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri, ndinonzwa ndichida kubatsirawo vamwe.”

Orlean anoti: “Ndinoda kuti vanhu vechiCree vawanewo mukana wekutungamirirwa neMusiki wedu. Chikomborero chaicho kuvabatsirawo kuti vaswedere pedyo naJehovha uye kuti vakunde matambudziko avanosangana nawo mazuva ano.”

Mumwe murume ari Chapupu anonzi Marc anoshanda neboka revanoshandura chiBlackfoot. Nei achiedza kuparidzira vanhu vakadaro vanogara munharaunda yake? Anoti: “Nekuti ndinonyatsovada.”

a Mimwe yemitauro iyi inotaurwawo nevanhu vemarudzi akatanga-tanga kugara muUnited States.