Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Kuyambuka Gungwa Netsoka Kuti Vanoparidza

Mugungwa reNorth Sea mune zvitsuwa zvinonzi Halligen izvo zvinogara vanhu vanenge 300. Zvitsuwa zvacho zviri pedyo nemahombekombe eNorth Sea pedyo nenzvimbo inonzi Schleswig-Holstein kuGermany. Zvapupu zvaJehovha zvinosvika sei kuzvitsuwa izvi kuti zviparidzire vanhu ava?Mateu 24:14.

Vanoshandisa chikepe kuti vaende kune zvimwe zvezvitsuwa zvacho. Asi vamwe vanotofamba makiromita anenge 5 netsoka vachiyambuka gungwa kuti vasvike kune zvimwe zvitsuwa zvacho. Vanozviita sei?

Vanotaimira Mvura Yemugungwa Painenge Yaderera

Kudzikira kunomboita mvura yemugungwa uko kunozivikanwa sematides, ndiko kunovabatsira. Munharaunda yakapoteredza zvitsuwa zvacho, pashure pemaawa 6 ega ega mvura yemugungwa reNorth Sea inodzikira kana kukwirira nemamita anenge matatu. Mvura yacho painodzikira panenge pava kukwanisa kufambika uye Zvapupu zvacho zvinotora mukana wacho kuenda kune zvimwe zvitsuwa zvitatu.

Kuti vasvike ikoko zvinotora nguva yakareba sei? Ulrich, uyo anotungamirira boka racho uye ane ruzivo rwekufamba nemunzvimbo iyi anoti, “Zvinoda anenge maawa maviri kusvika kune chimwe chezvitsuwa izvi.” Anotiwo, “Kazhinji kacho tinofamba tisina bhutsu, ndokutoti zvitiitire nyore kufamba mumachakwi acho uye kuti tikurumidze kusvika. Asi kana kuchitonhora tinofamba takapfeka majombo.”

Paunenge uchiona nzvimbo yacho unoita seuri kurota. Ulrich anoti, “Unonzwa sekuti uri kufamba pane imwe nzvimbo isiri panyika pano. Pamwe pacho panenge paine madhaka, pamwe paine matombo asi pamwe pacho panenge pakazara uswa hwunomera mugungwa. Unoona shiri, magakanje nedzimwewo mhuka.” Mvura dzemugungwa padzinoderera, panosara paine hova dzavanoti Priele muchiGerman uye dzimwe nguva vanomboyambuka hova idzodzo.

Kuenda ikoko hausi mufamba nyore. Ulrich anoti: “Zviri nyore kurasika, kunyanya kana kuine mhute. Saka kuti tisarasika tinoshandisa kambasi nemuchina weGPS. Tinofanirawo kubata nguva kuitira kuti tisazobatwa nemvura patinenge tava kudzoka.”

Kuparidza pane chimwe chezvitsuwa zveHalligen

Zvavari kuita izvi zvine zvazviri kubatsira here? Ulrich akataura nezvevamwe sekuru vane makore ekuma90 vanofarira kuverenga magazini eNharireyoumurindi neMukai! Akati, “Rimwe zuva takanga tisisina nguva yekuenda kunovaona. Asi tisati tabva kuzvitsuwa zvacho, sekuru vacho vakachovha bhasikoro ravo vakauya kwatakanga tiri vachibva vati, ‘Ko nhasi hamusi kundiunzira Nharireyomurindi here?’ Takabva tatovapa.”

Inzwa zvimwe

NHARIREYOMURINDI

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza?

Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tiparidze.

NDIVANAANI VARI KUITA KUDA KWAJEHOVHA MAZUVA ANO?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoronga Sei Basa Razvo Rokuparidza?

Tinotevedzera muenzaniso wezvakaitwa naJesu achiri panyika. Ndedzipi dzimwe dzenzira idzi dzokuparidza nadzo?