Basa Redu Rokubudisa Mabhuku
KUBUDISA MABHUKU
“Kana Firimu Chairo Harisviki Apa”
Vanhu vanonzwa sei pamagungano pavanoona mavhidhiyo anobudiswa neZvapupu zvaJehovha mumutauro wavo? Mavhidhiyo aya anoiswa sei mumitauro yakawanda?
KUBUDISA MABHUKU
“Kana Firimu Chairo Harisviki Apa”
Vanhu vanonzwa sei pamagungano pavanoona mavhidhiyo anobudiswa neZvapupu zvaJehovha mumutauro wavo? Mavhidhiyo aya anoiswa sei mumitauro yakawanda?
Kugadzira Vhidhiyo yeMutauro Wemasaini wekuQuebec
Nei zvichikosha kuti mabhuku abudiswe mumutauro unonzi LSQ?
Kuita Kuti Vanhu Vade Chokwadi Uye Vachiremekedze
Chero munhu anoverenga mabhuku edu kana kuona mavhidhiyo edu anonyatsoona kuti zvaanotaura zvakanyatsotsvakurudzwa uye zvakarurama.
Kutora Mapikicha Ekuisa Mumabhuku Edu
Mapikicha atinozoisa mumabhuku edu ayo anoenderana nenyaya inenge ichitaurwa, anotorwa sei?
Kuendesa Mabhuku Anotsanangura Bhaibheri Kwakasiyana-siyana muCongo
Mwedzi nemwedzi Zvapupu zvinofamba madaro akareba kuti zviendese maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri kuvanhu vanogara kwakasiyana-siyana muDRC.
“Bhuku Rakashandurwa Neunyanzvi” muchiEstonian
KuEstonia, muna 2014 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakasarudzwa kuti ipinde mumakwikwi ekuzowana mubayiro weLanguage Deed of the Year Award.
Bhaibheri Risingatengeswi Rakarekodhwa Richiverengwa Nevanhu Vakasiyana-siyana
Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yakadzokororwa ya2013 riri kurekodhwa richiverengwa nevanhu vakasiyana-siyana.
Mapikicha—Madiro Anoita Vana Mavhidhiyo
Inzwa zvimwe zvinotaurwa nevana nezvemakatuni ane zvidzidzo zvemuBhaibheri aKuda naSarudzai anonzi Iva Shamwari yaJehovha.
Kuparidza Mashoko Akanaka Mumitauro yokuIreland Uye kuBritain
Zvapupu zvaJehovha zviri kuedza chaizvo kuparidzira vanhu vanotaura chiScottish Gaelic, chiIrish, nechiWelsh. Vanhu vanotaura mitauro iyi vari kuzvifarira here?
Vhidhiyo: “Dai Risipo, Handizivi Kuti Ndaizoita Sei”
Tarisa unzwe nyaya yomurume asingaoni akabatsirwa neBhaibheri reBraille
Kuona Shoko raMwari Mumutauro Wangu
Tarisa uone kuti Bhaibheri remutauro wemasaini wokuAmerica riri kubatsira sei vabereki vari matsi asi vana vavo vasiri matsi.