Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi edu here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei. Munofanira kubhuka pachiine vhiki kana kudarika. Kana muri kuzoda kushanya panguva yemazororo, tinokukurudzirai kuti mubhuke pachiine nguva yakareba.
Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa zvakaita mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi edu. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.
Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona henyu kusvika pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.
Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”
Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”
Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka saka munogona kuwana mukana.
Munokwanisa kuuya nemhuka kana shiri yenyu yamunochengeta here? Kwete. Hazvibvumidzwi kuti munhu auye nemhuka yake yaanochengeta kuBheteri. Vaya vakaremara vane mhuka dzinovabatsira kuita zvimwe zvinhu ndivo chete vanokwanisa kuuya nemhuka dzavo.
Make a Reservation
View or Change Reservations
Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pamahofisi
Zviratidzwa
Home Visitor Centre. Pane vhidhiyo yamuchaona inoratidza basa rinoitwa paBheteri uye kuti rinotsigira sei kunamata kwedu.
Printery 2 Visitor Centre. Pane vhidhiyo yamuchaona inoratidza kukosha kwekuprinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro yakawanda. Pane nzvimbo yakakwirira yamunogona kuona michina ichitoprinda. Chikamu chinonyanya kukosha ndecheBhaibheri icho chinoratidza nhoroondo yekushandiswa kwezita raMwari muBhaibheri mumitauro inotaurwa munyika ino.
Printery 3 Visitor Centre. Pane nzvimbo yakakwirira yamunogona kuona imba yese inochengeterwa mabhuku.
Mamwe Mashoko: Vaenzi vanogona kunogara panzvimbo yavakagadzirirwa kana vaine zvekudya zvavanazvo.
Kero Uye Nhamba Dzefoni
1 Robert Broom Drive East
RANGEVIEW
KRUGERSDORP
1739
SOUTH AFRICA
+27 11 761 1002
Mafambiro