Enda pane zvauri kuda

Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri

Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.

Yambiro nezveCoronavirus (COVID-19): Munyika dzakawanda takamisa urongwa hwekuti vanhu vauye vachizoona mahofisi edu. Kana paine hofisi yawanga uchida kuona tinokumbira kuti uifonere.

Ecuador

Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu

Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei.

Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu?

Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.

Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.

Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Bhuka”

Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “Chinja Zvawabhuka”

Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.

Kuratidzwa Zvinoitwapo

Sociedad de Estudiantes de la Biblia - Testigos de Jehová

Makiromita anoda kusvika 24 tichienda nekua la Costa (mamita 600 tisati tasvika patollgate)

GUAYAQUIL

ECUADOR

+593 4-371-2720

Muchidimbu

Tinotarisira ungano 1 154 Tinoshandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumutauro weQuichua nemimwe mitauro yakada kufanana nawo, weShuar, uye mutauro wemasaini wemuEcuador.

Dhaunirodha kabhuku kanoratidza zvinoitwa pahofisi.