Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi edu here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei.
Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa zvakaita mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi edu. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.
Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona henyu kusvika pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.
Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”
Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”
Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka saka munogona kuwana mukana.
Bhuka
Ona Kana Kuti Chinja Zvawakabhuka
Dhaunirodha Kabhuku Kanoratidza Zvinoitwa paHofisi
Kero Uye Nhamba Dzefoni
бул. „Цар Борис ІІІ“ № 227
1618 СОФИЯ
БЪЛГАРИЯ
Blvd. Tsar Boris III 227
1618 SOFIA
BULGARIA
+359 2 9559 590
Mafambiro