Shona
Sei Muchishandisa Zita Rokuti Zvapupu zvaJehovha?
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/502012468/univ/art/502012468_univ_sqr_xl.jpg
ijwfq nyaya 5

Zvapupu zvaJehovha Zvakawanepi Zita Razvo?

Zvapupu zvaJehovha Zvakawanepi Zita Razvo?

 Jehovha izita raMwari rinowanika muBhaibheri. (Eksodho 6:3; Pisarema 83:​18) Chapupu munhu anotaura maonero kana kuti chokwadi zvaane chivimbo nazvo.

 Saka zita redu rokuti Zvapupu zvaJehovha rinoita kuti tizivikanwe seboka revaKristu vanozivisa chokwadi nezvaJehovha, Musiki wezvinhu zvose. (Zvakazarurwa 4:​11) Tinoparidzira vamwe nemararamiro atinoita uye nokuvaudza zvatinenge tadzidza muBhaibheri.​—Isaya 43:​10-​12; 1 Petro 2:12