Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoramba Kubayiwa Mishonga Yekudzivirira Zvirwere Here?

 Aiwa. Zvapupu zvaJehovha hazvirambi kubayiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere. MuKristu mumwe nemumwe anozvisarudzira ega kuti anoda kubayiwa here kana kuti kwete. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinosarudza kubayiwa mishonga iyi.

 Tinoda kurapwa zvakanaka uye tinofara chaizvo nekufambira mberi kwaita zvinhu panyaya dzesainzi uko kuri kubatsira kuti vanhu vakwanise kuzvidzivirira pazvirwere zvakaipisisa. Tinotenda chaizvo kushanda nesimba uye kuzvipira kunoita vashandi vemuzvipatara kuti vabatsire vanhu kunyanya panguva dzakunenge kuine zvirwere zviri kupararira.

 Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera zvinotaurwa nevezveutano. Semuenzaniso, kubvira pakatanga kupararira chirwere cheCOVID-19, Zvapupu zvaJehovha zvanga zvichishandisa website ino kubudisa mashoko mumazana emitauro, zvichiyeuchidza uye kukurudzira vanhu kuti vateerere zvinotaurwa nevezveutano kunzvimbo dzavanogara. Izvi zvinosanganisira kusava pedyo nevamwe, kuteerera mitemo ine chekuita nekuungana kwevanhu, kugara uri kwako wega kana usiri kunzwa zvakanaka, kugeza maoko uye kupfeka zvekuvharidzira kumeso nezvimwewo zvaitaurwa nevezveutano.—VaRoma 13:1, 2.

 Kwemakore akawanda, mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha akabudisa pfungwa idzi:

  •   Munhu mumwe nemumwe anozvisarudzira ega marapirwo aanoda kuitwa.—VaGaratiya 6:5.

     “[Magazini ino] haitauri kuti mumwe mushonga kana mamwe marapirwo ari nani pane mamwe uye haisi magazini yezveutano. Chinangwa chayo ndechekungotaura nyaya sezvairi yosiyira munhu kuti azvisarudzire ega marapirwo aanoda kuitwa.”—Awake!, yaFebruary 8, 1987.

     “Mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega kuti iye nevana vake vanofanira kubayirwa mishonga yekudzivirira zvirwere here kana kuti kwete.”—Awake!, yaAugust 22, 1965.

  •   Tinoenda kunorapwa nekuti tinokoshesa upenyu zvikuru.—Mabasa 17:28.

     “Zvapupu zvinoenda kuchipatara kuti zvikwanise kurapwa. Vanoda upenyu saka vanoita zvese zvavanokwanisa kuti vararame chero bedzi zvichienderana neMagwaro.”—The Watchtower, yaJuly 1, 1975.

     “Zvapupu zvaJehovha zvinoenda kuchipatara. Vanoda kuva neutano hwakanaka kwete kugurisira upenyu panzira. Zvimwe Zvapupu zvaJehovha vanotova vanachiremba uye ndiro basa raiitwa nemumwe muKristu anotaurwa muBhaibheri ainzi Ruka. . . . Zvapupu zvaJehovha zvinotenda chaizvo basa guru uye kuzvipira kunoitwa nevashandi vemuzvipatara. Vanotendawo chaizvo vanhu ivavo pavanovabatsira kuti vanzwe zviri nani.”—Nharireyomurindi, yaFebruary 1, 2011.