Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAIBHURARI YEWATCHTOWER

Kuisa Raibhurari yeWatchtower

Kuisa Raibhurari yeWatchtower

Faira racho unokwanisa kuridhaunirodha uye rakakura 2 GB. Kana zvichidhura kuenda paIndaneti kuti uridhaunirodhe, unogona kupiwa DVD kuungano yeZvapupu zvaJehovha yekwaunogara. Baya pakanzi Dhaunirodha kuti uone kana Raibhurari yeWatchtower ichiwanika mumutauro wako.

 

Zvinofanira Kunge Zvakaita Kombiyuta

Kuti ukwanise kushandisa Raibhurari yeWatchtower unofanira kunge uine kombiyuta kana kuti laptop inoshandisa Pentium processor kana kuti inopfuura ipapo, ine Microsoft Windows 7 kana kupfuura, ine 48 MB dzeRAM uye nzvimbo inokwana 3 GB paC: drive.

Kana kombiyuta yako ichishandisa Microsoft Windows 7, unofanira kutanga wadhaunirodha uye woisa pakombiyuta yako software inovhura faira rinonzi ISO. Unogona kuwana software yakadai kana ukaenda pawebsite yeMicrosoft.

 

Mirayiridzo Yekuisa Raibhurari yeWatchtower Pakombiyuta

Tevedzera zviri pasi apa kuti udhaunirodhe uye uise purogiramu yeRaibhurari yeWatchtower pakombiyuta:

  1. Baya bhatani rakanzi Dhaunirodha riri papeji rino.

  2. Sarudza mutauro waunoda, wobva wabaya bhatani rekudhaunirodha.

  3. Baya faira rawadhaunirodha rinonzi ISO uchishandisa bhatani rekurudyi remouse, wobva wazobaya pakanzi Mount. (Izvi zvinogona kusiyana nezvaunoita kana uri kushandisa imwe software yekuvhurisa faira reISO. Kana uri kushandisa software yakadaro, tevedzera mirayiridzo yakanyorwa nevakagadzira software yacho.)

  4. Uchikurumidza baya kaviri faira rakanzi WTLSetup.exe, wotevedzera mirayiridzo inenge ichibuda inokuratidza kuti ungaisa sei Raibhurari yeWatchtower pakombiyuta.