Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

JW.ORG

Tsvaga Bhuku Rauri Kuda

Tsvaga Bhuku Rauri Kuda

Chikamu chakanzi MABHUKU chepajw.org chine mabhuku akawanda emhando dzakasiyana-siyana. Mamwe acho ndeokuteerera uye mamwe ari pamavhidhiyo. Shandisa zviri kutaurwa pasi apa kana uine bhuku rauri kutsvaga.

 Nyora Zita Rebhuku Racho

Kana uchiziva zita rebhuku racho kana kuti mamwe mashoko ezita racho, tevedzera zviri kutaurwa pasi apa kuti ukurumidze kuriwana.

Enda pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA.

  • Baya pakanzi Zvose wonyora rimwe remashoko ari pazita rebhuku rauri kutsvaga. Somuenzaniso, kana uri kutsvaga bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? nyora kuti “Bhaibheri.” Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emabhuku ane shoko rokuti “Bhaibheri.” Chisarudza bhuku rauri kutsvaga.

  • Chibaya pakanzi Tsvaga.

 Ratidza Kuti Uri Kuda Nharireyomurindi Here Kana Kuti Mukai!

Enda pakanzi MABHUKU > MAGAZINI.

Peji yacho painotanga kubuda, inoratidza magazini 4 achangobuda eMukai! ne4 eNharireyomurindi (Yevoruzhinji) uye magazini 8 achangobuda eNharireyomurindi Yokudzidza. (Mimwe mitauro haina magazini ose aya.) Kuti uwane magazini yauri kutsvaga, tevedzera zviri kutaurwa pasi apa:

  • Enda pakanzi Magazini Ose wosarudza magazini yauri kuda. Chienda pakanzi Zvitsva wosarudza gore rayo.

  • Chibaya pakanzi Tsvaga.

 Kana Uchida Kuona Mhando Dzakasiyana-Siyana Dzemafaira Dzinowanikwa Bhuku Racho

Mabhuku anenge akarongwa munzira mbiri. Imwe ndeyokuaona achienda kurudyi uye imwe yacho achidzika.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone achienda kurudyi. Aya ndomarongerwo anogara akaitwa mabhuku acho.

Marongero aya anoratidza kavha yebhuku racho, mhando yemafaira aunogona kudhaunirodha, uye zita rebhuku rimwe nerimwe. Nongedza kapikicha (kana kuti baya pafoni) kuti uone mhando dzose dzemafaira aunogona kudhaunirodha, somuenzaniso PDF, EPUB kana kuti MP3.

Baya kapikicha kakaita seaka kuti uone mabhuku akarongwa achidzika.

Marongero aya anoratidza kuti bhuku racho rinowanikwa mumhando dzemafaira api, somuenzaniso PDF kana kuti EPUB.

Mamwe mabhuku anowanika ari emabhii makuru. Somuenzaniso ukabaya pakanzi PDF, pachabuda kabhokisi kanoratidza kuti bhuku racho riripo here mumabhii makuru kana kuti kwete. Baya link yeraunenge uchida kudhaunirodha.

 Nyora Mashoko Aunoziva Ari Mubhuku Racho

Kana uine bhuku rauri kuda uye richikwanisa kuverengerwa paIndaneti, baya kapikicha kakaita seaka. Nyora shoko rauri kutsvaga mukabhokisi kachabuda ipapo wobva wabaya pakanzi Tsvaga. Kana uine mamwe mashoko aunoziva ari mubhuku racho, manyore. Izvi zvichaita kuti chitsauko kana kuti nyaya yauri kutsvaga zvikurumidze kubuda.

Tevedzera zviri pasi apa kuti uwedzere kukurumidza kuwana zvauri kuda:

  • Baya pakanzi Wedzera Kusefa.

  • Chitika kabhokisi kakanzi Mabhuku kari pasi pekamusoro kakanzi Chikamu.

  • Chibaya pakanzi Tsvaga.