Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

JW.ORG

Kana Uchida Mutauro Wemasaini

Kana Uchida Mutauro Wemasaini

Mavhidhiyo ndiwo anonyanya kuwanika mumitauro yemasaini. Mimwe mitauro yemasaini yakatoshandura mamwe mashoko epajw.org, kusanganisira peji rekutanga. Mimwe mitauro haisati yashandura mashoko epajw.org, asi ine mavhidhiyo emabhuku, emagazini nezvimwewo pachikamu chakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO.

Kuti uone zvinobudiswa mumitauro yemasaini, shandisa imwe yenzira dziri pasi apa:

 Sarudza Mutauro Wemasaini Waunoda

  • 1: Baya kapikicha kakadai kari nechekumusoro kurudyi kuti uone mitauro yese iri pajw.org.

  • Tika kabhokisi kakanzi Ratidza Mitauro Yemasaini Chete kuti uone mitauro yemasaini chete.

    Kana kuti, ita zvekunyora zita remutauro wemasaini wauri kuda mukabhokisi kakanzi Mutauro. Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emitauro ine mashoko akarerekera kune zvauri kunyora.

  • 2: Baya link yakanzi “Ona Mavhidhiyo Emutauro Wemasaini” iri papeji yekutanga wobva wasarudza mutauro waunoda.

Kana jw.org yakashandurwa mumutauro wemasaini wawasarudza, nguva inotevera yauchavhura jw.org ndiwo unobuda.

Jw.org yemutauro wemasaini iri nyore kuona nekuti pese pese panenge paine menu inenge iine tumapikicha twemasaini. Kapikicha kamwe nekamwe kane zvakanomiririra.

Mamwe mashoko anoshandiswa muchikamu chakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO chemutauro wemasaini anosiyana neemimwe mitauro. Somuenzaniso, pakanzi MUSIC pamitauro yemasaini panenge pakanzi SONGS.

Baya pane mashoko anokubatsira kuwana zvaunenge uchitsvaga. Ona kana kuti dhaunirodha mavhidhiyo emutauro wemasaini.

Enda Pachikamu Chakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO

 Enda pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > ZVINHU ZVIRI MUDARIRO.

Sarudza mutauro waunoda pakabhokisi kakanzi Ratidza. Sezvo paine mitauro yakawanda, ukanyora mabhii akarerekera kuzita remutauro wauri kuda, uchabva wakurumidza kuuona.

Kana mutauro wemasaini waasarudza uine zvinhu zvishoma, zvese zvinobuda papeji yakanzi ZVINHU ZVIRI MUDARIRO. Kana paine zvakawanda zvinenge zvakashandurwa mumutauro wemasaini wawasarudza, peji yakanzi ZVINHU ZVIRI MUDARIRO ichangoratidza zvishoma zvacho. Kuti uone zvimwe mumutauro wawasarudza, unoenda pane zvacho zvauri kuda, zvakadai seBHAIBHERI, MAGAZINI, MABHUKU UYE MABHUROCHA.

Shandisa JW Library Sign Language App

App iyi inobatsira kana:

  •   uchigara uchishandisa mavhidhiyo emutauro wemasaini.

  • uchida kuzoshandisa mavhidhiyo aya pafoni kana kuti patablet yako usiri paIndaneti.

  • ichiwanika mumutauro wemasaini waunoshandisa.

Kana uchida kuziva zvimwe, enda papeji inopa rubatsiro nezveJW Library Sign Language.