Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Zvapupu zvaJehovha

Shona

JW.ORG

Kana Uchida Kuchinja Mutauro

Kana Uchida Kuchinja Mutauro

Kana uri kudzidza mumwe mutauro kana kuti uchida kutumira mumwe munhu nyaya iri pajw.org mumutauro wake, shandisa imwe yenzira 3 dziri pasi apa.

 Chinja Peji repaIndaneti Kuenda Kumutauro Waunoda

Kuti uone mitauro yose iri pajw.org, baya kapikicha kakadai kari nechokumusoro kurudyi.

Mutauro mumwe nomumwe uripo une chimwe chezviratidzo zvinotevera kuruboshwe kwawo:

  • Mamwe mashoko ari pajw.org akashandurwa mumutauro uyu. Baya mutauro waunoda.

  • Kana jw.org isati yashandurwa, asi paine mabhuku aunoda kudhaunirodha, baya mutauro wacho kuti uaone.

  • Uyu mutauro wemasaini.

    Kana paine zvimwe zvakashandurwa pajw.org mumutauro wemasaini wawasarudza, nguva inotevera yauchavhura jw.org ndiwo uchatanga kubuda.

    Kana pasina zvinhu zvepajw.org zvakashandurwa mumutauro wemasaini wawasarudza, uchangoona mabhuku aripo emutauro iwoyo.

Sezvo pajw.org paine mitauro yakawanda, ita zvinotevera kuti ukurumidze kuona mutauro waunoda:

  • Sarudza mutauro waunoda: Mitauro 4 yawakapedzisira kuvhura ndiyo ichabuda pokutanga.

  • Nyora zita romutauro waunoda: Nyora mabhii mashomanana ezita romutauro wacho, mungava mumutauro waunoziva kana kuti semanyorerwo aunoitwa nevaridzi vawo. Somuenzaniso, kana wakavhura jw.org muchiShona asi uri kuda mutauro wechiGerman, unonyora kuti “German” kana kuti “Deutsch.” Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emitauro ine mashoko akarerekera kune zvauri kunyora.

 Vhura Nyaya Yacho Mune Mumwe Mutauro

1: Ita izvi pamapeji anenge aine kabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro.

Enda panyaya yauri kuda kuverenga kana kuti kutumira mumwe munhu. Chisarudza mutauro wauri kuda pakabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro. (Kana mutauro wacho usipo, zvinoreva kuti nyaya yacho haisati yabudiswa mumutauro iwoyo.)

Zvaungaita: Ukabaya pakanzi Sarudza Mutauro, kana ukaona kapikicha aka nechokuruboshwe kwezita romutauro waunoda zvinoreva kuti unogonawo kuita zvokuteerera nyaya yacho.

Kana ukaita zvichangobva kutaurwa pamusoro apa, chichangochinja mutauro wenyaya yawasarudza kwete zvimwe zvose.

2: Kana nyaya yauri kuverenga isina kabhokisi kakanzi Sarudza Mutauro, baya kapikicha kakaita seaka kari nechokumusoro kurudyi. Kana nyaya yacho irimo mumutauro waunoda, ichabva yabuda. Kana isimo, uchabva waendeswa kupeji yokutanga yomutauro iwoyo.

 Tsvaka Bhuku Racho Mune Mumwe Mutauro

Enda pakanzi MABHUKU > MABHUKU NEZVIMWEWO ZVIRIPO. Sarudza mutauro waunoda pakabhokisi kakanzi Ratidza wobaya pakanzi Tsvaga.

Ita zvinotevera kuti ukurumidze kuona mutauro waunoda:

  • Sarudza mutauro waunoda: Mitauro 4 yawakapedzisira kuvhura ndiyo ichabuda pokutanga.

  • Nyora zita romutauro waunoda: Nyora mabhii mashomanana ezita romutauro wacho, mungava mumutauro waunoziva kana kuti semanyorerwo aunoitwa nevaridzi vawo. Somuenzaniso, kana wakavhura jw.org muchiShona asi uri kuda mutauro wechiGerman, unonyora kuti “German” kana kuti “Deutsch.” Paunotanga kunyora, pachatanga kubuda mazita emitauro ine mashoko akarerekera kune zvauri kunyora.

Kana paine zvakawanda zvinenge zvakashandurwa mumutauro wawasarudza, peji yakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO ZVIRIPO ichangoratidza zvishoma zvacho. Kuti uone mamwe mabhuku mumutauro wawasarudza, sarudza mhando yemabhuku auri kuda (somuenzaniso, MABHUKU UYE MABHUROCHA kana kuti MAGAZINI).

Kana pasina mabhuku emutauro wawasarudza, uchaona link inokuendesa kune zvinenge zviripo mumutauro iwoyo.