26 AUGUST 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 8 MARCH 2023
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA—MITONGO YAKACHINJWA | Vari Kuramba Vakadzikama Uye Vachivimba naJehovha Kunyange Zvazvo Vari Kutambudzwa
Musi wa1 March 2023, dare reStavropol Territory Court rakapa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Anatoliy Gezik, mudzimai wavo, Irina, naHama Viktor Zimovskiy. Mitongo yakanga yapiwa Anatoliy naViktor yakambosendekwa. Hama Anatoliy havachafaniri kunovharirwa vachishanda zvakaomarara. Hama Viktor vakabva vatobudiswa mujeri. Mutongo waHanzvadzi Irina hauna kuchinjwa. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.
Musi wa14 November 2022, dare reGeorgievskiy City Court of the Stavropol Territory rakati Hama Anatoliy, mudzimai wavo, Irina, naHama Viktor vane mhosva. Hama Anatoliy vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 4 nemwedzi miviri vachishanda zvakaomarara. Hanzvadzi Irina vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 4 nemwedzi miviri asi mutongo wacho wakambosendekwa. Hama Viktor vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 nemwedzi miviri uye vakabva vatoenda kunovharirwa.
Zvinhu Zvakaitika
23 October 2019
Mapurisa akasecha dzimba nhatu dzeZvapupu zvaJehovha muGeorgievsk. Paaisecha, mapurisa akaisa zvinhu mudzimba idzi zvaakazoshandisa seuchapupu hwekuti Zvapupu izvi zvakanga zvapara mhosva. Anatoliy, Irina, Viktor, nezvimwe Zvapupu 8 vakavharirwa uye vakabvunzurudzwa usiku hwese
30 December 2019
Anatoliy, Irina, naViktor vakapomerwa mhosva
23 January 2020
Viktor akashevedzwa kuti anobvunzurudzwa zvakare uye akabva ambovharirwa. Zuva rakatevera, akaendeswa kujeri achimirira kuti nyaya yake iende kudare
23 March 2020
Viktor akabudiswa kwaakanga akambovharirwa achibva arambidzwa kubva pamba
6 May 2020
Viktor akabvumidzwa kubva pamba asi akarambidzwa kuita nzendo
6 October 2021
Viktor akabvumidzwa kuita nzendo
10 March 2022
Nyaya yakatanga kupinda mudare
Nhoroondo Yeupenyu
Pavari kuramba vachitsungirira vachifara uye vaine tariro, tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba “ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18.

