30 NOVEMBER 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: 29 DECEMBER 2022
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKASUNGWA | Vakawedzera Kuva Neunhu hwechiKristu
Dare reZeyskiy District Court of the Amur Region rakati Hama Yevgeniy Bitusov naHama Leonid Druzhinin vane mhosva. Hama Bitusov vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 6 uye Hama Druzhinin vakatongerwa makore 6 nehafu. Vese vakabva vatonovharirwa.
Nhoroondo Yeupenyu
Tinodada nehama nehanzvadzi dzedu idzo dziri kuramba dzichiratidza kuti vashumiri vaMwari kuburikidza nekutsungirira kwavari kuita uye kuratidza mwoyo murefu.—2 VaKorinde 6:3-10.
Zvinhu Zvakaitika
21 March 2019
Mapurisa akasecha dzimba dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha zvinogara mutaundi reZeya, kusanganisira imba yaHama Yevgeniy neyaHama Leonid
10 August 2020
Hama Yevgeniy naHama Leonid vakatanga kupomerwa mhosva
13 October 2020
Mapurisa akasecha zvakare imba yaHama Yevgeniy neyaHama Leonid. Hama Leonid vakabva vaita maawa maviri vachibvunzurudzwa
20 June 2022
Nyaya yavo yakatanga kutongwa mudare

