22 DECEMBER 2022
GREECE
Makore 100 Vasiri Kudzidzazve Kurwa
Nikos naEleni Abatzis
Gore ra2022 rinoratidza zvinhu zviviri munhoroondo yeZvapupu zvaJehovha zvekuGreece. Pava nemakore100 kubva pakatanga vanhu kuramba kupinda muchiuto nemhaka yehana dzavo, uye makore 25 kubva pakatanga hurumende kubvumira vanhu kuita mamwe mabasa asiri echiuto nemhaka yehana dzavo.
Mumakore ekuma1900, Greece yaigara ichirwa hondo dzakawanda. Saka kakawanda, hama dzedu dzaifanira kuratidza padzimire panyaya ine chekuita nezvematongerwo enyika. Hama Nikos Abatzis nahama Nikolaos Rebebos ndivo vaiva Zvapupu zvaJehovha (panguva iyoyo Zvapupu zvaJehovha zvainzi Vadzidzi veBhaibheri) zvekutanga zvemuGreece kuramba kuenda kuhondo nemhaka yezvavaitenda.
Hama Abatzis vakaramba kuenda kunorwa muhondo yaiva pakati peGreece neTurkey yakatanga muna 1919 ikazopera muna 1922. Vachitaura nezvenguva iyoyo, hama Abatzis vakati: “Ndakaendeswa kukamba yemasoja [muAsia Minor] . . . Ndiri ikoko Jehovha akandibatsira kuva neushingi, uye ndakabva ndatanga kuparidzira [masoja] ndichivaudza kuti kana mukaenda kuhondo hamusi kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri nekuti rinoti tinofanira kuda vavengi vedu.” Hondo payakapera, hama Abatzis vakaramba vachiparidza zvinodzidziswa neBhaibheri munzvimbo dzakawanda dzemuGreece.
Nikolaos Rebebos nemudzimai wake
Nikolaos Rebebos akarwa muhondo yaiva pakati peGreece neTurkey. Asi paakaverenga Magwaro uye turakiti raainge apiwa neVadzidzi veBhaibheri, maonero aaiita hondo akachinja. Akabva azoudza vakuru vakuru vake kuti akanga asisadi zvekurwa, kunyange zvazvo aiziva kuti izvozvo zvaigona kuita kuti aurayiwe. Nikolaos akataura neushingi kuti ‘hapana kana kabvudzi kamwe chete kemumusoro make kaizorasika kana Mwari asina kuzvibvumira.’ Hondo payakapera, akabva atsvaga Vadzidzi veBhaibheri, uye akazobhabhatidzwa muna 1925.
Hama Abatzis nahama Rebebos vaingova vekutanga pahama dzemuGreece dzakawanda dzakaramba dzisina divi radzaitsigira panyaya dzezvematongerwo enyika pasinei nekumanikidzwa kwavaiitwa kurwa muhondo. Panguva yeHondo Yenyika II uye panguva yairwisana vagari vemuGreece kubva muna 1946 kusvika muna 1949, hama dzedu dzakaramba dzakashinga kusatsigira angava masoja kana vapanduki, zvekuti vamwe vakatosvika pakuurayiwa. Asi hama dzedu hadzina kudzokera kumashure kunyange zvazvo dzaitambudzwa. Vakaramba vachiparidza nezverugare runovimbiswa muBhaibheri, uye nhamba yeZvapupu muGreece yakawedzera kubva pa178 muna 1940 kusvika pa2 808 muna 1949.
Zvapupu zvinoshingaira kuparidza mashoko akanaka muGreece mazuva ano
Vese vairamba kupinda muchiuto nemhaka yehana dzavo vakaramba vachisungwa. Hama dzinosvika 3 788 dzakaiswa mujeri nemhaka yekusapindira mune zvematongerwo enyika. Muna 1997, Greece yakazodzika mutemo waibvumira kuti munhu anenge asingabvumi kupinda muchiuto nemhaka yehana yake aite rimwe basa risiri rechiuto. Pari zvino, hama dzinenge 100 dzemuGreece dzakabvuma kuita mamwe mabasa asiri echiuto.
Mugore rebasa ra2022, Greece yakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi 27 995 uye 420 vakabhabhatidzwa.
Mumakore 100 apfuura, zviri pachena kuti Jehovha anga achibatsira hama dzedu dzekuGreece nemhaka yekutenda kwadzo maari uye kutsunga kwadzakaita kusadzidzazve kurwa.—Isaya 2:4.

