Shona
Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro wechiRomany (Southern Greece)
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/702023027/univ/art/702023027_univ_sqr_xl.jpg

19 JUNE 2023
GREECE

Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro wechiRomany (Southern Greece)

Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro wechiRomany (Southern Greece)

Musi wa10 June 2023, Hama Geoffrey Jackson vari muDare Rinotungamirira vakabudisa Bhaibheri—Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu, mumutauro wechiRomany (Southern Greece). Bhaibheri iri rakabudiswa pamusangano unokosha wakaitwa pahofisi yebazi muPiraeus, kuGreece. Vanhu vanopfuura 29 000 vakaona musangano uyu, uyo waitepfenyurwa kuungano dzese dziri muGreece nekuCyprus. Musangano uyu pawakangopera, Bhaibheri racho rakanga rava kukwanisa kudhaunirodhwa pamafoni. MaBhaibheri akaprindwa achatumirwa kuungano mumwedzi iri kutevera.

Hapana mitemo inoratidza kuti mutauro uyu wechiRomany (Southern Greece) unofanira kutaurwa sei kana kuti unonyorwa sei uye izvi zvinoita kuti kuushandura kuome. Vanhu vanoshandura mutauro wechiRomany (Southern Greece) vanosvika 10 uye vanogara pahofisi yebazi yekuGreece. Vashanduri ava vanobatsirwawo nehama nehanzvadzi dzinoshanda dziri kumba.

Imwe hanzvadzi payakapedza kuverenga bhuku raMateu muchiRomany (Southern Greece) yakati: “Ini ndakadzidza Bhaibheri nechiGreek. Ndainzwisisa hangu zvandaiverenga uye zvandaidzidza muchiGreek, asi pandakazoverenga Bhaibheri nemutauro wangu, zvakanyatsonditi dyoo pamwoyo.”

Imwewo hanzvadzi yakati: “Mashandurirwo akaitwa Mateu 26:38, 39 muchiRomany (Southern Greece) akanyatsondisvika pamwoyo. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti ‘mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo, zvekufa.’ Asi akanyengetera kuti awane simba rekuti arambe akavimbika kuna Mwari. Kunzwisisa mavhesi aya kwakandibatsira kuona kuti hapana chakaipa kana dzimwe nguva ndikambonzwa ndichinetseka. Mavhesi aya akandibatsira kuti ndiite zvekuteterera kuna Jehovha kuti andipe simba rekukunda matambudziko andinenge ndichisangana nawo uye ndiudzewo hama nehanzvadzi dzangu manzwiro andinenge ndichiita.”

Tiri kufara pamwe chete nehama dzedu idzi dzinotaura chiRomany sezvo chipo ichi chinokosha chichavabatsira kuwedzera kuswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 4:8.