28 OCTOBER, 2022
CANADA
Imba yeUmambo Yakapera Kuvakwa ‘Munzvimbo Yehove Dzakawanda’ kuCanada
Zvapupu zvaJehovha zvemuguta reIqaluit riri munharaunda yeNunavut kuCanada, zvavawo neImba yeUmambo yekutanga. Imba iyi yeUmambo inokwana vanhu 50 yakavakwa nehama nehanzvadzi dzakazvipira uye yakapera musi wa14 October 2022. Ndiyo iri kwekupedzisira nechekuchamhembe muCanada. Ungano yeIqaluit yakaumbwa muna 2010 uye vanhu vaipindira misangano yavo pane chimwe chikoro.
Zvekuvakisa zvichiburutswa gungwa paranga rakaserera
Basa iri rakanga risiri nyore, uye rakambomiswa kwemakore maviri nemhaka yechirwere cheCOVID. Guta reIqaluit, izvo zvinoreva kuti “nzvimbo yehove dzakawanda,” riri munzvimbo inonzi Frobisher Bay, kuBaffin Island. Kuti usvikeko unotoda ndege kana kuti chikepe. Uyewo zvekuvakisa zvaisawanika munzvimbo iyi, saka paitoda chikepe kuti chitakure zvinhu zvaizoshandiswa pakuvaka. Uyewo nemhaka yemamiriro ekunze, imba iyi yaingokwanisa kuvakwa kubva mumwedzi waAugust kusvika muna October chete.
Hama nehanzvadzi dzaivaka dzichifara
Zvinhu zvekuvakisa zvairema matani 127 zvakaunganidzwa pane imwe Imba yeMagungano iri muOntario. Zvakabva zvaiswa mumabhokisi 12 mahombe esimbi akaita seaya anotakurwa nemagonyeti nemune mamwe 3 mabhokisi zvikabva zvaendeswa pane chimwe chiteshi chengarava chiri pedyo neMontreal, kuQuebec. Zvakazotakurwa nengarava kubva pachiteshi ichi zvikapfuura nekuSt. Lawrence Seaway. Ngarava yacho yakazopinda muAtlantic Ocean, ichibva yazosvika kuFrobisher Bay. Sezvo paFrobisher Bay pasina nzvimbo yekuti ngarava hombe dzimire, mabhokisi mahombe aya akaburutswa akaiswa muzvikepe zvidiki. Zvimwe zvikepe zvakazodhonza zvikepe zviya zvakanga zvakatakura zvinhu zvichizviendesa nechekumahombekombe. Gungwa parakanga raserera zvinhu zvakabva zvatanga kuburutswa zvichiendeswa kumahombekombe.
Mavakirwo akaitwa Imba iyi yeUmambo ndeemhando yepamusoro nekuti mukati mayo munoramba muchidziya kunyange kukatonhora zvakanyanya sezvo dzimwe nguva kuchitonhora zvekusvika pa-30ºC.
Hama nehanzvadzi dzinosvika 40 dzakazvipira kuuya kuzovaka dzichibva mumapurovhinzi 6 eko. Hama Jason McGregor, vaishandawo pabasa iri vakati: “Pasinei nematambudziko atakasangana nawo pakusvitsa zvinhu kuno nemamwewo matambudziko atakanga tisingatarisiri atakasangana nawo, takanyatsoona kuti hapana chinotadzisa Jehovha kuita zvaanoda. Zvaisimbisa kutenda kwedu pataiona basa richifamba zvakanaka zuva rimwe nerimwe.”
Tiri kufara pamwe chete nehama dzedu dziri kuCanada kuti vava neImba yeUmambo ‘munzvimbo yehove dzakawanda’ panguva yavari kuita basa rinokosha rekuva “vabati vevanhu.”—Mateu 4:19.

