Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

26 SEPTEMBER, 2016
NDEZVIPI ZVITSVA

Mabhuku Nezvimwewo Zvinenge Zviri muMOBI Format Hazvichabudiswi

Mabhuku Nezvimwewo Zvinenge Zviri muMOBI Format Hazvichabudiswi

Kutanga musi wa3 October, 2016, mabhuku nezvimwewo zviri muMOBI format zvichange zvisingachawaniki pajw.org. Kana uine mudziyo weAmazon Kindle, unogona kuwana mabhuku edu nezvimwewo uchishandisa nzira idzi:

  • Dhaunirodha mabhuku edu nezvimwewo paJW Library app. JW Library app inowanika paAmazon Appstore uye haibhadhariswi.

  • Dhaunirodha mabhuku edu nezvimwewo muPDF format kubva pajw.org. Kana maimboshandisa podcast yeNharireyomurindi kana kuti yeMukai! muMOBI format, mungada kuichinja kuti ive muPDF format. Munogona kuita izvozvo muchishandisa link yemaPODCAST iri pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MAGAZINI.