Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

MAY 21, 2018
NDEZVIPI ZVITSVA

Shanduro yeNyika Itsva yeMutauro Wemasaini wekuEcuador Uye Nepal Yakabudiswa

Shanduro yeNyika Itsva yeMutauro Wemasaini wekuEcuador Uye Nepal Yakabudiswa

Bhuku raMateu muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muMutauro Wemasaini wekuEcuador rakabudiswa musi wa19 May 2018, muguta reGuayaquil, kuEcuador. Musi wa18 May 2018 muguta reKathmandu, kuNepal, kwakanga kwabudiswa Bhaibheri rakazara muShanduro yeNyika Itsva mumutauro wechiNepali. Shanduro yeNyika Itsva yakashandurwa mumitauro 166.