FEBRUARY 24, 2020
NDEZVIPI ZVITSVA
Chikamu Chitsva—Kutsanangurwa Kwemavhesi
Pajw.org pava nechikamu chitsva chinonzi “Kutsanangurwa Kwemavhesi.”
Mwedzi wega wega, vanhu vakawanda vanovhura paIndaneti vachitsvaga tsanangudzo dzemavhesi emuBhaibheri. Saka kuti vabatsirwe, pava nechikamu chakanzi, “Kutsanangurwa Kwemavhesi” chinopa tsanangudzo dzacho.
Kuti uwane chikamu ichi, enda pawebsite yedu wobva wavhura pakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri” kana kuti enda paJW Library wovhura pakanzi “Nyaya Dzinogara Dzichibuda.”

