Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Imbirai Jehovha—Nziyo Itsva

 Rwiyo 153

Unonzwa Sei Nebasa Iri?

Unonzwa Sei Nebasa Iri?

Dhaunirodha:

(VaHebheru 13:15)

  1. Iwe unonzwa sei

    wadzidzisa nechido,

    Waita basa rako

    zvinobaya mwoyo?

    Waedzawo zvese;

    Mwari achapedzisa.

    Anonzwisisa mwoyo

    yevanomutsvaga.

    (KORASI)

    Tinofara tichimupa

    mwoyo, pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.

  2. Iwe unonzwa sei

    shoko rako rakwezva

    Vane mwoyo inoda

    upenyu chaihwo?

    Vamwe vanoramba,

    vamwe vanonyeperwa.

    Kunyange zvakadaro

    toda zita rake.

    (KORASI)

    Tinofara tichimupa

    mwoyo, pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.

  3.   Iwe unonzwa sei,

    Mwari amire newe,

    Kuti akapa iwe

    basa redu iri?

    Todada kuenda

    neushingi, nenyasha,

    Kunotsvaga vanoda;

    tava kuzopedza.

    (KORASI)

    Tinofara tichimupa

    mwoyo, pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.