Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Imbirai Jehovha—Nziyo Itsva

 Rwiyo 152

Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Dhaunirodha:

(Zvirevo 14:26)

  1. Ishe Jehovha, makatipa

    tariro hurusa.

    Inotifadza. Tinoda

    kuti vose vanzwe.

    Asi tinombozvidya mwoyo,

    tobva tatanga kutya,

    Tariro yaimbopfuta

    inobva yadzima.

    (KORASI)

    Ndimi simba redu,

    tovimba nemi.

    Munotipa zvatinoda.

    Patinoparidza,

    tine chivimbo

    nekuti tovimba nemi.

  2. Jehovha, tipeiwo mwoyo

    usingakanganwi,

    Kuti munotinyaradza

    patinoomerwa.

    Pfungwa idzi dzinosimbisa

    dzokuchidzira moto,

    Toshingiswa kutaura

    nezvezita renyu.

    (KORASI)

    Ndimi simba redu,

    tovimba nemi.

    Munotipa zvatinoda.

    Patinoparidza,

    tine chivimbo

    nekuti tovimba nemi.