Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Imbirai Jehovha—Nziyo Itsva

 Rwiyo 138

Jehovha Ndiro Zita Renyu

Jehovha Ndiro Zita Renyu

Dhaunirodha:

(Pisarema 83:18)

  1. Mwari wechokwadi—

    Wezvose zvakasikwa

    Kugara nekugara—

    Munonzi Jehovha.

    Tinodada kuti

    Tiri ungano yenyu.

    Tinozivisa kwose

    Mbiri yenyu Mwari.

    (KORASI)

    Jehovha, Jehovha,

    Imi ndimi moga.

    Kumatenga nepanyika,

    Ndimi Mwari moga.

    Ndimi Wemasimbaose,

    Vanhu ngavazive.

    Jehovha, Jehovha,

    Ndimi moga Mwari wedu.

  2. Munoita kuti,

    Tive chero zvamada,

    Tiite zvamunoda—

    Munonzi Jehovha.

    Makatitumidza

    Kuti Zvapupu zvenyu.

    Imi makatikudza—

    Tine zita renyu.

    (KORASI)

    Jehovha, Jehovha,

    Imi ndimi moga.

    Kumatenga nepanyika,

    Ndimi Mwari moga.

    Ndimi Wemasimbaose,

    Vanhu ngavazive.

    Jehovha, Jehovha,

    Ndimi moga Mwari wedu.