Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Imbirai Jehovha—Nziyo Itsva

 Rwiyo 137

Tipeiwo Ushingi

Tipeiwo Ushingi

Dhaunirodha:

(Mabasa 4:29)

  1. Tinoparidza Umambo,

    Pamwe nezita renyu,

    Vazhinji vanotishora

    Kuti vatinyadzise.

    Asi hatimbovatyi,

    Watinoterera ndimi.

    Tipeiwo simba, tapota;

    ‘She Jehovha tinzweiwo.

    (KORASI)

    Tizadzei neushingi;

    Kuti tirege kutya.

    Titaure nechivimbo

    Nyika yose izvinzwe.

    Hondo yenyu yaswedera,

    Asi, takaimirira,

    Tizadzei neushingi.

    Takumbira.

  2. Kunyange tinganzwa kutya,

    Munoziva tiri ‘vhu.

    Imi muchatitsigira

    Sezvamakavimbisa.

    Inzwai kutaura

    Kwevanotityisidzira.

    Tibatsirei tisarega

    Kutaura neushingi.

    (KORASI)

    Tizadzei neushingi;

    Kuti tirege kutya.

    Titaure nechivimbo

    Nyika yose izvinzwe.

    Hondo yenyu yaswedera,

    Asi, takaimirira,

    Tizadzei neushingi.

    Takumbira.