Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 96

Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo

Sarudza Zvakarekodhwa
Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo

(Zvirevo 2:1)

  1. 1. Pane bhuku remapeji mazhinji,

    Rinopa tariro nemufaro.

    Zvarinazvo zvinhu zvinopa simba;

    ‘Vafi’ vom’tswa “mapofu” oona.

    Bhuku iri iBhaibheri Dzvene.

    Mashoko aro ndeaJehovha.

    Rakanyorwa nevanhu vaimuda,

    Achivafuridzira nemweya.

  2. 2. Vakanyora nezvesimba raMwari,

    Kusika kwaakaita zvese;

    Kuti munhu aisava nechivi,

    Nekurasika kweParadhiso.

    Vakataura zveimwe ngirozi

    Yakaramba kutongwa naMwari,

    Zvikaguma nechivi uye nhamo;

    Asi Jehovha a’kuzokunda.

  3.  3. Nhasi uno tava kufara kwazvo:

    Kristu ava kutonga saMambo.

    Tinoparidza shoko reUmambo,

    Zvikomborero zvahuchaunza.

    Ibhuku rine shoko rinofadza;

    Shoko ririmo rinotapira.

    Mune rugare rusingafungiki;

    Vanhu verengai bhuku iri.