Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 92

Nzvimbo Ine Zita Renyu

Sarudza Zvakarekodhwa
Nzvimbo Ine Zita Renyu

(1 Makoronike 29:16)

  1. 1. Jehovha, matikudza kwazvo,

    Kukuvakirai imba!

    Tinokupai nemufaro,

    Mbiri yenyu iwedzere.

    Zvese zvatinopa kwamuri,

    Zvangogara zviri zvenyu.

    Unyanzvi nemari nesimba,

    Tokupai nemufaro.

    (KORASI)

    Tokupai imba iyi,

    Vazive zita renyu.

    Toitsaurira imi;

    Tambirai ndeyenyu.

  2. 2. Toda kukukudzai Baba,

    Kukurumbidzai muno.

    Rumbidzwai nekuwedzera

    Kwevanodzidza nezvenyu.

    Tichakunamatai muno,

    Tichinyatsoichengeta.

    Ive uchapupu narini,

    Ive chapupu kuvanhu.

    (KORASI)

    Tokupai imba iyi,

    Vazive zita renyu.

    Toitsaurira imi;

    Tambirai ndeyenyu.