(Pisarema 91)

  1. 1. Jehovha utiziro,

    Tinovimba naye.

    Munzvimbo yakavanda

    Yake hatibvimo.

    Vakatendeka kwaari

    Mwari ovadzivirira.

    Jehovha ndiye nhare,

    Akavimbika narini.

  2. 2. Nyange zvuru zvikawa

    Parutivi rwedu,

    Vakarurama venyu

    Tichachengetedzwa.

    Saka tisambotya zvedu,

    Hatisi kuzokuvadzwa.

    Tichaponeswa tiri

    Mumapapiro aMwari.

  3. 3. Achatidzivirira

    Pamisungo m’nzira,

    Murima rinotyisa,

    Nepane miseve.

    Hapana chichatityisa,

    Tichatsika patinoda.

    Jehovha utiziro

    Mudziviriri munzira.