Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 76

Unonzwa Sei Nebasa Iri?

Sarudza Zvakarekodhwa
Unonzwa Sei Nebasa Iri?

(VaHebheru 13:15)

  1. 1. Iwe unonzwa sei,

    wadzidzisa nechido,

    Waita basa rako

    zvinobaya mwoyo?

    Waedzawo zvese;

    Mwari achapedzisa.

    Anonzwisisa mwoyo

    yevanomutsvaga.

    (KORASI)

    Topembera tichimupa mwoyo,

    pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.

  2. 2. Iwe unonzwa sei,

    shoko rako rakwezva

    Vane mwoyo inoda

    upenyu chaihwo?

    Vamwe vanoramba,

    vamwe vanonyeperwa.

    Kunyange zvakadaro,

    toda zita rake.

    (KORASI)

    Topembera tichimupa mwoyo,

    pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.

  3.  3. Iwe unonzwa sei,

    Mwari amire newe,

    Kuti akapa iwe

    basa redu iri?

    Todada kuenda

    neushingi nenyasha,

    Kunotsvaga vanoda;

    tava kuzopedza.

    (KORASI)

    Topembera tichimupa mwoyo,

    pfungwa nenzwi redu.

    Chibayiro chemiromo

    ngachisambomira.