ONA
Mashoko
Mufananidzo

(Pisarema 98)

  1. 1. Imbirai Jah, rwiyo rutsva, runom’kudza.

    Taurai mabasa ake makuru.

    Rumbidzai ruoko rwake rwune simba.

    NdiMwari anotonga nekururama.

    (KORASI)

    Imbai!

    Rwiyo rutsva tinzwe!

    Imbai!

    Jehovha ndiMambo.

  2. 2. Danidzirai, kuna Mwari, Mambo wedu!

    Rumbidzai zita rake, mupembere!

    Imbisai seboka, murumbidze Ishe.

    Rudimbwa nebhosvo ngazvidairire.

    (KORASI)

    Imbai!

    Rwiyo rutsva tinzwe!

    Imbai!

    Jehovha ndiMambo.

  3. 3. Gungwa nezviri mariri ngazviungire.

    Zviri pasi pano, nazvo zvibvumire.

    Nyika ifare, nenzizi ngadziombere.

    Makomo, mapani, ngazvimurumbidze.

    (KORASI)

    Imbai!

    Rwiyo rutsva tinzwe!

    Imbai!

    Jehovha ndiMambo.