Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

ZVIRI MUKATI

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 58

Kutsvaga Shamwari Dzerugare

Sarudza Zvakarekodhwa
Kutsvaga Shamwari Dzerugare

(Ruka 10:6)

  1. 1. Jesu akati tiparidzire.

    Muguruva nemuzuva,

    Akaparidza chokwadi.

    Aida makwai, aka’tsvaga,

    Kwese kwese,

    rabuda kusvika ranyura.

    Pamba nemba nemum’gwagwa,

    Tinoudza munhu wese

    Kuti nhamo dza’kuzopera dzese.

    (KORASI)

    Tichitsvaga

    Shamwari dzerugare kwese,

    Tichitsvaga

    Mwoyo unoda kuponeswa,

    Pasina

    patinosiya.

  2.  2. Nguva haimiri, tikasike.

    Toshanda nesimba kuti

    Tiponese nyange mumwe.

    Rudo rwunoita tidzokere.

    Mwoyo wakaputsika

    Unorapikawo.

    Mumaguta nemisika,

    Patinowana anoda,

    Mufaro unotiwedzera simba.

    (KORASI)

    Tichitsvaga

    Shamwari dzerugare kwese,

    Tichitsvaga

    Mwoyo unoda kuponeswa,

    Pasina

    patinosiya.