Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

 RWIYO 44

Munyengetero Wemunhu Akasuruvara

Sarudza Zvakarekodhwa
Munyengetero Wemunhu Akasuruvara
ONA

(Pisarema 4:1)

  1. 1. Jehovha, ‘Inzwaiwo munyengetero wangu.’

    Maronda angu ari kunonoka kupora.

    Ndapera simba nekunyanya kuodzwa mwoyo.

    Muve neni Mwari, ndinotarisa kwamuri.

    (KORASI)

    Ndisimudzei nditsunge.

    Tariro yangu ijeke.

    Ndapererwa, Mwari wangu,

    Jehovha ndisimbisei.

  2. 2. Mwari wangu, ndinonyaradzwa neShoko renyu.

    Rinotaura zvandinotadza kutaura.

    Shoko renyu ngarindibatsirewo kutenda

    Kuti rudo rwenyu rwunopfu’ra mwoyo wangu.

    (KORASI)

    Ndisimudzei nditsunge.

    Tariro yangu ijeke.

    Ndapererwa, Mwari wangu,

    Jehovha ndisimbisei.