Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

‘Imbira Jehovha Uchifara’

 RWIYO 4

“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

Sarudza Zvakarekodhwa
“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

(Pisarema 23)

  1. 1. Jehovha Mufudzi wangu;

    Onditungamirira.

    Zviri pasi pemwoyo wangu;

    Anonyatsozviziva.

    Ondisvitsa pane mvura,

    Pandinokomborerwa.

    Nerudo rwake rwakavimbika,

    Anondipa zororo.

    Rudo rwake rwakavimbika,

    Rwunondipa zororo.

  2. 2. Tsoka dzangu dzinofamba,

    nepanondizorodza.

    Ndinotakura zita renyu,

    Handidi kutsauka.

    Mumipata ine rima,

    Tsvimbo yenyu ineni.

    Hapana kana chandingambotya,

    Muri Shamwari yangu.

    Hapana kana chandinotya,

    Muri Shamwari yangu.

  3.  3. Jehovha, Mufudzi wangu,

    M’nonditungamirira.

    M’nondipa simba nezororo;

    M’nondipa zvandinoda.

    Zvamuri Mwari mupenyu,

    Ndine tariro mhenyu.

    She rudo rwenyu rwakavimbika

    Ngarwurambe rwuneni.

    Rudo rwenyu rwakavimbika

    Rwunoramba rwuneni.

(Onawo Pis. 28:9; 80:1.)